Wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji, akakwira mugomo; akagara pasi, ʋadzidzi ʋake ʋakasweɗera kwaari. Akashamisa muromo wake, akaʋadzidzisa, aciti: Ʋakaropafadzwa ʋarombo pamŋeya; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋo. Ʋakaropafadzwa ʋanocema; nokuti ʋacanyaradzwa. Ʋakaropafadzwa ʋanyoro; nokuti ʋacagara nhaka yenyika. Ʋakaropafadzwa ʋanenzara nenyota yokururama; nokuti ʋacagutiswa kwaɀo. Ʋakaropafadzwa ʋaneŋgoni; nokuti ʋacaitirwa ŋgoni. Ʋakaropafadzwa ʋakacena pamŋoyo; nokuti ʋacaʋona Mŋari. Ʋakaropafadzwa ʋanoyananisa; nokuti ʋacanzi ʋana ʋaMŋari. Ʋakaropafadzwa ʋanotambudzwa nokuɗa kwokururama; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋo. Makaropafadzwa imi, kana ʋacikuɀidzai, ʋacikutambudzai, ʋacikupomerai ɀakaipa ɀose nenhema, nokuɗa kwaŋgu. Farai, mufarise kwaɀo; nokuti muɓairo wenyu mukuru kuɗeŋga; nokuti ʋakatambudza saiɀoɀo ʋaprofita ʋakakutaŋgirai. Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu waɗuruŋgunda, ucaruŋgwa neiko? Haucaɓatsiri cinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe naʋanhu. Imi muri ciedza cenyika. Guta rakaʋakwa pagomo hariŋgaʋanziki. Nomŋenje haʋaŋgautuŋgidzi, ʋakauisa pasi peɗeŋgu, asi pacigadziko, uvenekere ʋose ʋari mumba. Saiɀoɀo ciedza cenyu ŋgacivenekere pamberi paʋanhu, kuti ʋaʋone maɓasa enyu akanaka, ʋakudze Ƃaba ʋenyu ʋari kuɗeŋga.
Verenga chikamu Mateo 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 5:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo