Ɀino Jesu wakatuŋgamirirwa noMŋeya kurenje, kuzoidzwa naDiaborosi. Wakati aɀinyima ɀokudya mazuʋa anamakumi manna, noʋusiku bgunamakumi manna, akabva oziya. Ɀino muidzi akaʋuya kwaari, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, taura kuti mabge awa ɀiʋe ɀiŋgwa. Asi wakapindura, akati: Kwakanyorwa kucinzi: Munhu haaŋgararami neciŋgwa ɓedzi, asi namashoko ose anoɓuɗa mumuromo waMŋari. Ɀino Diaborosi akamuisa muguta dɀene, akamumisa paciruʋu cetembere, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kucinzi:
Iye ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako,
Pamaʋoko avo ʋacakusimudza,
Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge.
Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa ʋo: Usaidza Ishe, Mŋari wako. Diaborosi akamuisa ɀe pagomo refu‐refu, akamuratidza ʋushe bgose bgenyika, nokubginya kwabgo; akati kwaari: Iɀi ɀose ndicakupa, kana ukawira pasi ukandinamata. Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga. Ɀino Diaborosi akamurega, ʋatumŋa ʋakaʋuya ʋakamushumira.
Jesu wakati anzwa kuti Johane wasuŋgwa, akaenda Garirea. Ɀino, wakabva Nazareta, akandogara Kapernaume paguŋgwa, munyika yeZaburoni neNeftarimi; kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti:
Nyika yeZaburoni, nenyika yeNeftarimi,
Panzira yeguŋgwa, mhiri kwaJoridani,
Garirea raʋahedeni;
Ʋanhu ʋakaŋga ʋagere murima
Ʋakaʋona ciedza cikuru;
Naʋakaŋga ʋagere panyika yorufu nomumumvuri worufu,
Ciedza cakaʋaɓuɗira.
Kubva paŋguʋa iyeyo Jesu wakataŋga kuparidza, aciti: Tendeʋukai, nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bgasweɗera pedyo.