Mateo 3
3
Johane Mubapatidzi.
(Mar 1:1–8; Ruka 3:1–18; Joh 1:6–8, 19–36; 3:23–32)
1Namazuʋa iwayo Johane mubapatidzi wakaʋuya aciparidza parenje reJudea, aciti: 2Tendeʋukai, nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bg sweɗera pedyo. 3Nokuti uyu ndi wakarebga nomuprofita Isaya, aciti:
Inzwi rounoɗana murenje:
Gadzirai nzira yaShe,
Ruramisai migwagwa yake.
4Iye Johane waiʋa neŋguʋo yamakushe ekamera, nebanhire reganda paciʋuno cake; ɀokudya ɀake ɀaiʋa mhashu noʋuci bgeɓundo. 5Ɀino ʋeJerusarema neJudea rose ʋakaɓuɗira kwaari, nenyika yose yapaJordani; 6ʋakabapatidzwa naye murwizi rwaJoridani ʋaciɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo. 7Asi wakati aciʋona ʋazhinji ʋaʋaFarise naʋaSaduse ʋaciʋuya kuzobapatidzwa, akati kwaʋari: Ʋana ʋenyoka, ndianiko wakakunyeʋerai kuti mutize kutsamŋa kunoʋuya? 8Naiɀoɀo ɓerekai ɀiɓereko ɀakafanira kutendeʋuka. 9Musafuŋga kutaura mumŋoyo menyu, muciti: Abrahama ndiɓaɓa ʋeɗu; nokuti ndinoti kwamuri, Mŋari uŋgamutsira Abrahama ʋana pamabge awa. 10Ɀino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; saka muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto. 11Ini ndinokubapatidzai nemvura, mutendeʋuke; asi unoʋuya shure kwaŋgu, unesimba, kupfuʋureni, uyo wandisakafanira kutakura shaŋgu dzake; iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene nomŋoto. 12Rusero rwake ruri muruʋoko rwake; ucanatsa ɓuriro rake kwaɀo; ucaʋuŋganidzira ɀiyo muɗura, asi hundi ucaipisa mumŋoto usiŋgadzimŋi.
Kubapatidzwa kwaJesu.
(Mar 1:9–11; Ruka 3:21, 22; Joh 1:31–34)
13Ɀino Jesu wakabva Garirea, akaȿika paJoridani kunaJohane kuzobapatidzwa naye. 14Asi Johane wakaidza kumudziʋisa, akati: Ndini ndinofanira kubapatidzwa nemi, ko moʋuya kwandiri sei? 15Asi Jesu wakapindura, akati kwaari: Cirega hako ɀino, nokuti saiɀoɀo ɀakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega. 16Jesu, wakati abapatidzwa, pakarepo akaɓuɗa mumvura; ɀino, tarira, ɗeŋga rakamuzarurirwa, akaʋona Mŋeya waMŋari aciɓuruka senjiʋa, akaʋuya pamsoro pake. 17Ɀino tarira, inzwi rakabva kuɗeŋga, riciti: Uyu ndiye Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira!
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018