Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 23:1-22

Mateo 23:1-22 SUB1949

Ɀino Jesu wakataura kuʋanhu ʋazhinji naʋadzidzi ʋake, akati: Ʋanyori naʋaFarise ʋagere pacigaro caMosesi; saka ɀose ɀaʋanokuʋudzai, muɀiite nokuɀiceŋgeta, asi musateʋera maɓasa aʋo; nokuti ʋanotaura, asi haʋaiti. Ʋanosuŋga mitoro inorema, inotambudza kutakura, ʋaciiisa pamafudzi aʋanhu, asi iʋo ʋamene haʋaɗi kuiɓata nomunwe waʋo. Asi maɓasa aʋo ose ʋanoaita kuti ʋaʋonekwe naʋanhu; nokuti ʋanofarisa mafirakitera aʋo, ʋanokurisa mipeto yeŋguʋo dzaʋo, ʋanofarira ɀigaro ɀapamberi pamitambo, neɀigaro ɀapamberi mumasingagoge, nokukwaziswa paɗare, nokuidzwa Rabi naʋanhu. Asi imi musaidzwa Rabi; nokuti mudzidzisi wenyu ndomumŋe, imi mose muri hama. Musaidza munhu uri panyika ɓaɓa ʋenyu, nokuti mumŋe cete ndiƂaɓa ʋenyu, iʋo ʋari kuɗeŋga. Musaidzwa ʋo ʋatenzi, nokuti mumŋe cete ndiTenzi wenyu, iye Kristu. Asi mukuru pakati penyu ŋgaaʋe muranda wenyu. Aninani unoɀikudza ucaninipiswa, naaninani unoɀininipisa, ucakudzwa. Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munopfigira ʋanhu ʋushe bgokuɗeŋga; nokuti imi hamupindi mumene, naiʋo, ʋopinda, hamuʋatenderi kupinda. [Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munoparadza dzimba dzecirikadzi muciita mano‐mano eminyeŋgetero mirefu; naiɀoɀo mucatoŋgerwa ɀakaipa nokupfuʋurisa.] Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munofamba paguŋgwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumŋe; kana awanikwa, munomuita mŋanakomana weGehena kukunda imi kaʋiri. Munenhamo, imi ʋatuŋgamiriri ʋakapofumara, munoti: Aninani unopika netembere, haɀina haɀo; asi aninani unopika nendarama yetembere, ndiye unemhoȿa. Imi mapenzi namapofu! Cikuru ndecipiko, ndarama kana tembere, inoita ndarama iʋe tȿene? Munoti ɀe: Aninani unopika neartari, haɀina haɀo; asi aninani unopika necipo ciri pamsoro payo, ndiye unemhoȿa. Imi mapenzi namapofu! Cikuru ndecipiko, cipo kana artari, inoita cipo ciʋe citȿene? Naiɀoɀo, unopika neartari, unopika nayo, neɀose ɀiri pamsoro payo. Nounopika netembere, unopika nayo, nounogara mairi. Nounopika nokuɗeŋga, unopika necigaro coʋushe caMŋari, nounogara pamsoro paco.

Verenga chikamu Mateo 23