Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 21:19-32

Mateo 21:19-32 SUB1949

Ɀino, wakati aciʋona muʋonde mumŋe panzira, akaenda kwauri, akasawana cinhu kwauri, asi mashizha ɓedzi; akati kwauri: Ŋgakurege kuʋa neɀiɓereko kwauri nokusiŋgaperi. Muʋonde ukawoma pakarepo. Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakashamiswa, ʋakati: Muʋonde wawoma pakarepo seiko? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ƌai maiʋa nokutenda, musiŋganyunyuti, hamuŋgaiti iɀi ɀomuʋonde ɓedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe muguŋgwa, ɀicaitwa. Neɀose ɀamunokumbira mucinyeŋgetera, kana mucitenda, mucaɀipiwa. Wakati acipinda mutembere, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaʋuya kwaari acidzidzisa, ʋakati: Munoita ɀinhu iɀoɀi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko rimŋe; kana mukandiʋudza iro, neni ndicakuʋudzai ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi. Rubapatidzo rwaJohane rwakabvepiko? Kuɗeŋga kana kuʋanhu here? Ʋakataurirana ʋaciti: Kana tikati, Kuɗeŋga, ucati kwatiri: Makagoregerei kumutenda? Asi kana tikati, Kuʋanhu, tinotya ʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋose ʋanoti, Johane muprofita. Ʋakapindura, ʋakati kunaJesu: Hatiziʋi. Akati kwaʋari: Neni handiŋgakuʋudziyi ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi. Ɀino munofuŋgeiko? Mumŋe munhu wakaŋga anaʋana ʋaʋiri; akaenda kunowokutaŋga, akati: Mŋana, enda nhasi kundoɓata mumunda waŋgu wemizambiriŋga. Iye akapindura, akati: Handiɗi; asi pashure akaɀidya mŋoyo, akaenda. Akaenda kunowecipiri, akataura saiɀoɀo. Iye akapindura, akati: Ndinoenda, ishe; akasaenda. Ndoupiko kunaiʋaʋo ʋaʋiri wakaita kuɗa kwaɓaɓa ʋake? Ʋakati: Wokutaŋga. Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋateresi neɀifeʋe ʋanokutaŋgirai kupinda muʋushe bgaMŋari. Nokuti Johane wakaʋuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi ʋateresi neɀifeʋe ʋakamutenda. Imi makati muciʋona iɀoɀo, hamuna‐kuzoɀidya mŋoyo mukamutenda.

Verenga chikamu Mateo 21