Ʋakati ʋacisweɗera Jerusarema, ʋakaȿika Betefage, pagomo reMiorivi, Jesu akatuma ʋadzidzi ʋaʋiri, akati kwaʋari: Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo mucawana mboŋgoro yakasuŋgirwa, inemhuru yayo; mudzisunuŋgure, muʋuye nadzo kwandiri. Kana aninani acitaura cinhu kwamuri, muti: Ishe unodziɗa; pakarepo ucadzituma. Iɀoɀo ɀakaitwa, kuti ɀakataurwa nomuprofita ɀiitike, paakati:
Ʋudzai mŋanasikana weZioni:
Tarira Mambo wako unoʋuya kwauri,
Ari munyoro, akataȿa mboŋgoro,
Nemhuru yecipfuwo cinokweʋa.
Ʋadzidzi ʋakaenda, ʋakaita seɀaʋakarairwa naJesu, ʋakaʋuya nemboŋgoro nemhuru, ʋakaisa ŋguʋo dzaʋo pamsoro padzo; akagara pamsoro padzo. Ʋazhinji pakati paʋanhu ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo munzira; ʋamŋe ʋakatema mataʋi emiti ʋakaawarira munzira. Ʋanhu ʋazhinji ʋakaŋga ʋakamutuŋgamirira, naʋakaŋga ʋaciteʋera, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! Ŋgaakudzwe iye unoʋuya muzita raShe! Hosana kumsoro‐soro! Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, ʋanhu ʋakati: Uyu ndianiko? Ʋanhu ʋazhinji ʋakati: NdiJesu muprofita weNazareta reGarirea.
Ɀino Jesu wakapinda mutembere, akaɓuɗisa ʋose ʋaiteŋgesa naʋaiteŋga mutembere; akawisa matafura aʋaitsinhanhisa mari, neɀigaro ɀaʋaiteŋgesa njiʋa, akati kwaʋari: Kwakanyorwa kucinzi: Imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera, asi imi munoiita ɓako ramakororo. Ɀino mapofu naʋaikamhina ʋakaʋuya kwaari mutembere, akaʋaporesa.