Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 18:1-20

Mateo 18:1-20 SUB1949

Neŋguʋa iyo ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakati: Ndianiko mukuru paʋushe bgokudeŋga? Akaɗanira kwaari mŋana muɗuku, akamuisa pakati paʋo, akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kana musiŋgashanduki, mukaʋa saʋana ʋaɗuku, hamuŋgatoŋgopindi muʋushe bgokuɗeŋga. Naiɀoɀo aninani unoɀininipisa somŋana uyu muɗuku, ndiye mukuru muʋushe bgokuɗeŋga. Aninani unogamucira mŋana muɗuku mumŋe wakaɗai nezita raŋgu, unondigamucira ini. Asi aninani unogumbusa mumŋe waʋaɗuku aʋa, ʋanotenda kwandiri, ɀirinani kwaari kuti guyo guru risuŋgirirwe pamutsipa wake, anyudzwe muguŋgwa rakadzika. Nyika inenhamo nemhaka yeɀigumbuso! Nokuti ɀigumbuso ɀinofanira kuʋuya haɀo; asi unenhamo munhu uyo unogumbusa ʋamŋe. Kana ruʋoko rwako kana rutsoka rucikugumbusa, urugure, ururashire kure newe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, kana ucikamhina, pakukandirwa mumŋoto usiŋgagumi, unamaʋoko maʋiri kana tsoka mbiri. Kana ziso rako ricikugumbusa, uribvise, urirashire kure newe. Ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu, uneziso rimŋe, pakukandirwa muGehena romŋoto, unameso maʋiri. Cenjerai kuti murege kuɀidza mumŋe waʋaɗuku aʋa; nokuti ndinoti kwamuri, kuɗeŋga ʋatumŋa ʋaʋo ʋanosiʋona misi yose ciso caƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. [Nokuti Mŋanakomana womunhu wakaʋuya kuzoponesa cakarashika.] Munofuŋgeiko? Kana munhu anamakwai anezana, rimŋe rawo rikatsauka, haaŋgasiyi makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe, akaenda kumakomo kundotȿaka rakatsauka here? Kana ariwana, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, unorifarira kupfuʋura makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe asakatsauka. Nokuɗaro hakuzi kuɗa kwaƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga, kuti mumŋe waʋaɗuku aʋa afe. Kana hama yako yakutadzira, enda umuʋudze mhoȿa yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako. Asi kana asiŋganzwi, tora mumŋe kana ʋaʋiri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yeɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu. Kana asiŋgaʋanzwi, uʋudze ʋuŋgano; kana asiŋganzwi ʋo ʋuŋgano, ŋgaaʋe kwauri somuheɗeni nomuFarise. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ɀose ɀamunosuŋga panyika, ɀicasuŋgwa kuɗeŋga; neɀose ɀamunosunuŋgura panyika, ɀicasunuŋgurwa kuɗeŋga. Ndinoti kwamuri ɀe: Kana ʋaʋiri ʋenyu ʋakatenderana panyika pamsoro pecimŋe cinhu caʋanokumbira, ʋacaciitirwa naƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Nokuti apo pakaʋuŋgana ʋaʋiri kana ʋatatu muzita raŋgu, ndiri’po pakati paʋo.

Verenga chikamu Mateo 18