Akaʋaʋudza mumŋe mufananidzo, akati: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa.
Ɀinhu ɀose Jesu wakaʋudza ʋanhu ʋazhinji nemifananidzo; haana‐kutaura cinhu kwaʋari asiŋgafananidzi; kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita, aciti:
Ndicashamisa muromo waŋgu nemifananidzo,
Ndicataura ɀakaŋga ɀakaʋanzika kubva pakuʋambga kwenyika.
Ɀino Jesu wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Tiɗudzirei mufananidzo wamashawi omumunda. Akapindura, akati: unokusha mbeu yakanaka ndiye Mŋanakomana womunhu. Munda inyika; mbeu yakanaka ndiʋo ʋanakomana ʋoʋushe; mashawi ndiʋo ʋanakomana ʋowakaipa. Muʋeŋgi wakakusha ndiye Diaborosi; kuceka ndiko kuguma kwenyika; ʋaceki ndiʋo ʋatumŋa. Ɀino mashawi seɀaanoʋuŋganidzwa acipiswa mumŋoto, ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika. Mŋanakomana womunhu ucatuma ʋatumŋa ʋake, ʋagoʋuŋganidza muʋushe bgake ɀose ɀinogumbusa, naʋanoita ɀisakarurama, ʋacaʋakandira muʋira romŋoto; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. Ipapo ʋakarurama ʋacapenya sezuʋa muʋushe bgaƂaɓa ʋaʋo. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.
Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nefuma yakaʋanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaiʋanza ɀe; ɀino nokufara kwake unoenda, akateŋgesa ɀose ɀaanaɀo, akateŋga munda uyo.
Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana ɀe nomuteŋgi unotȿaka maparera akanaka; akati awana parera rimŋe rinomuteŋgo mukuru, akaenda, akandoteŋgesa ɀose ɀaakaŋga anaɀo, akariteŋga iro.
Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana ɀe norutaʋa runokandirwa muguŋgwa, runoʋuŋganidza marudzi ose ehoʋe; kana rwazara ʋanorukweʋera pamhenderekedzo, ʋakagara pasi, ʋakaʋuŋganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa ʋanodzirasha. Ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika; ʋatumŋa ʋacaɓuɗa, ʋacaɓuɗisa ʋakaipa pakati paʋakarurama, ʋacaʋakandira muʋira romŋoto; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.
[Jesu akati kwaʋari:] Manzwisisa iɀoɀo ɀose here? Ʋakati kwaari: Hoŋo, [Ishe]. Akati kwaʋari: Naiɀoɀo munyori mumŋe nomumŋe wakadzidziswa ɀoʋushe bgokuɗeŋga, wakafanana nomunhu, mŋene weimba, unoɓuɗisa ɀinhu ɀitȿa neɀekare pafuma yake.
Jesu wakati apedza mifananidzo iyo, akabva’po. Akaȿika kunyika yake, akaʋadzidzisa musinagoge raʋo, nokuɗaro ʋakakatyamara, ʋakati: Munhu uyu wawanepiko kucenjera uku namaɓasa esimba? Ko haazi mŋanakomana womuʋezi here? Ko mai ʋake haʋaidzwi Maria here, naʋanuŋuna ʋake Jakobo, naJosefa, naSimoni, naJudasi here? Nehanɀadzi dzake hadzizi pakati patiri dzose here? Ko iye wakagowanepi ɀinhu iɀoɀo ɀose? Ʋakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwaʋari: Muprofita haaŋgashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nomumba make. Akasaita maɓasa esimba mazhinji ipapo nokusatenda kwaʋo.