Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 12

12
Jesu Ishe weSaɓata.
(Mar 2:23–28; Ruka 6:1–5)
1Neŋguʋa iyo Jesu wakafamba napakati peminda yeɀiyo nomusi wesaɓata; ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋanenzara, ʋakataŋga kutanha hura, ʋacidya. 2ƲaFarise ʋakatiʋaciɀiʋona, ʋakati kwaari: Tarira, ʋadzidzi ʋako ʋanoita ɀisina‐kutenderwa nomusi wesaɓata. 3Asi wakati kwaʋari: Ko hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye; 4kuti wakapinda mumba maMŋari, akadya ɀiŋgwa ɀokuratidza, ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa naye, naʋaiʋa naye, asi naʋaprista ɓedzi? 5Ko hamuna‐kuraʋa pamurairo, kuti nesaɓata ʋaprista ʋanoputsa murairo wesaɓata mutembere, ʋasinemhoȿa? 6Asi ndinoti kwamuri: Unokurira tembere uri pano. 7Asi ɗai maiziʋa kuti ɀinoti kuɗini kuti: Ndinoɗa ŋgoni, handiɗi ciɓayiro, muŋgaɗai musina‐kutoŋga ʋasinemhoȿa. 8Nokuti Mŋanakomana womunhu ndiye Ishe wesaɓata ʋo.
Jesu unoporesa munhu waiʋa noruʋoko rwakawonyana.
(Mar 3:1–6; Ruka 6:6–11)
9Wakabva’po, akapinda musinagoge raʋo. 10Ɀino tarira, kwakaŋga kunomunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Ɀakatenderwa kuporesa nesaɓata here? kuti ʋamupomere mhoȿa. 11Akati kwaʋari: Ndiani kwamuri uŋgaʋa negwai rimŋe, kana rikawira mugomba nesaɓata, uŋgarega kuriɓata akariɓuɗisa here? 12Munhu unopfuʋura gwai ɀikuru sei! Saka ɀakatenderwa kuita ɀakanaka nesaɓata. 13Ɀino akati kumunhu: Tambanudza ruʋoko rwako! Akarutambanudza, rukaʋandudzwa, rukaʋa sorumŋe. 14Ɀino ʋaFarise ʋakaɓuɗa, ʋakaraŋgana pamsoro pake, kuti ʋaŋgamuʋuraya sei. 15Jesu wakati aciɀiziʋa, akabva’po; ʋanhu ʋazhinji ʋakamuteʋera, akaʋaporesa ʋose, 16akaʋaraira kuti ʋarege kumuziʋisa pacena, 17kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti:
18Tarira, muranda waŋgu wandakasanaŋgura;
Muɗikanwa waŋgu, unofarirwa nomŋeya waŋgu:
Ndicaisa Mŋeya waŋgu pamsoro pake,
Iye ucaziʋisa ʋahedeni kutoŋga.
19Haaŋgarwi, haaŋgaiti mhere‐mhere;
Hakunomunhu ucanzwa inzwi rake munzira dzomumusha.
20Rutsaŋga rwakapxanyika haaŋgaruvuni,
Nomŋenje unopxititika haangaudzimi,
Kuȿikira acituma kutoŋga kuti kukunde.
21Ʋahedeni ʋacaita zita rake tariro yaʋo.
Jesu unoɓuɗisa mŋeya wakaipa, ndokuɗaɗirwa naʋaFarise.
(Mar 3:20–30; Ruka 11:14–23)
22Ɀino ʋakaisa kwaari munhu waiʋa nomŋeya wakaipa, raiʋa ɓofu nembeʋeʋe; akamuporesa, naiɀoɀo mbeʋeʋe yakataura nokuʋona ʋo. 23Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakashamiswa, ʋakati: Ko uyu haazi mŋanakomana waDavidi here? 24Ɀino ʋaFarise ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati: Munhu uyu haaɓuɗisi mŋeya yakaipa, asi naBeerzeburi, mucinda wemŋeya yakaipa. 25Ɀino Jesu aciziʋa kufuŋga kwaʋo, akati kwaʋari: Ʋushe bgumŋe nobgumŋe bgunoɀipesanisa, bgunoparadzwa; neguta kana imba inoɀipesanisa, haiŋgamiri. 26NaSatani kana aciɓuɗisa Satani, unoɀipesanisa; ʋushe bgake bgucamira seiko? 27Neni, kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi, ko ʋanakomana ʋenyu ʋanoiɓuɗisa nani? Saka iʋo ʋacaʋa ʋatoŋgi ʋenyu. 28Asi kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa noMŋeya waMŋari, ipapo ʋushe bgaMŋari bgaȿika kwamuri. 29Munhu uŋgapinda seiko paimba younesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosuŋga iye unesimba? Ipapo ucaparadza imba yake. 30Usi neni, unopesana neni, nousiŋgaʋuŋganidzi neni, unoparadza. 31Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Ʋanhu ʋacakaŋganwirwa ɀiʋi ɀose nokumhura, asi kumhura Mŋeya, haʋaŋgakukaŋganwirwi. 32Aninani unotaura shoko rakaipa kuMŋanakomana womunhu, ucakaŋganwirwa; asi unotaura shoko rakaipa kuMŋeya Mutȿene, haaŋgakaŋganwirwi, kana paŋguʋa ino, kana kuneinoʋuya. 33Itai muti uʋe wakanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀakanaka ʋo; kana itai muti uʋe wakaipa, neɀiɓereko ɀawo ɀakaipa ʋo; nokuti muti unozikanwa neɀiɓereko ɀawo. 34Imi, ɀiɓereko ɀenyoka, muŋgagona seiko kutaura ɀinhu ɀakanaka, ɀamuri ʋakaipa? Nokuti muromo unotaura ɀizere pamŋoyo. 35Munhu wakanaka unoɓuɗisa ɀinhu ɀakanaka pafuma yake yakanaka; nomunhu wakaipa unoɓuɗisa ɀinhu ɀakaipa pafuma yake yakaipa. 36Ndinoti kwamuri: Shoko rimŋe nerimŋe risinamaturo, rakarebga naʋanhu, ʋacaɀiɗaʋirira pamsoro paro nezuʋa rokutoŋga. 37Nokuti namashoko ako ucaruramiswa, ʋuye namashoko ako ucagurwa.
Ciratidzo comuprofita Jona.
(Ruka 11:16, 29–32)
38Ɀino ʋamŋe ʋanyori naʋaFarise ʋakapindura, ʋakati: Mudzidzisi, tinoɗa kuʋona ciratidzo kwamuri. 39Akapindura, akati kwaʋari: Rudzi rwakaipa rwoʋupombge runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo comuprofita Jona. 40Nokuti Jona seɀaakaʋa muɗumbu rehoʋe huru mazuʋa matatu noʋusiku bgutatu, saiɀoɀo Mŋanakomana womunhu ucaʋa mumŋoyo wenyika mazuʋa matatu noʋusiku bgutatu. 41Ʋarume ʋeNinivi ʋacasimuka pakutoŋgwa norudzi urwu, ʋacarupa mhoȿa, nokuti ʋakatendeʋuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kunaJona uri pano. 42Mambokadzi weZasi ucasimuka pakutoŋgwa norudzi urwu, ucarupa mhoȿa, nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kucenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kunaSoromoni uri pano. 43Ɀino kana mŋeya wetȿina waɓuɗa kumunhu, unopota panɀimbo dzisinemvura, ucitȿaka zororo, ucirishaiwa. 44Ɀino unoti: Ndicadzokera kumba kwaŋgu kwandakaɓuɗa; asi uciȿika, unoiwana isineciro, yakatȿairwa, yanatswa. 45Ɀino unoenda, ndokutora mimŋe mŋeya minomŋe inoupfuʋura nokuipa, ndokupinda, ndokugara’mo; kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuʋura kutaŋga kwake. Ɀicaita saiɀoɀo ʋo norudzi urwu rwakaipa.
Ʋukama naJesu.
(Mar 3:31–35; Ruka 8:19–21)
46Wakati acataura naʋanhu ʋazhinji, tarira, mai ʋake naʋanuŋuna ʋake ʋakamira kunze, ʋacitȿaka kutaura naye. 47Mumŋe akati kwaari: Haʋo mai ʋenyu naʋanuŋuna ʋenyu ʋamire kunze, ʋacitȿaka kutaura nemi. 48Akapindura, akati kunaiye wamuʋudza: Mai ʋaŋgu ndianiko, naʋanuŋuna ʋaŋgu ndiʋananiko? 49Ndokutambanudza ruʋoko rwake kuʋadzidzi ʋake, akati: Tarirai, mai ʋaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu! 50Nokuti aninani unoita kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga, ndiye munuŋuna waŋgu, nehanɀadzi, namai.

Zvasarudzwa nguva ino

Mateo 12: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda