Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maraki 2

2
Ʋaprista ʋanotukwa naJehova.
1Ɀino imi ʋaprista, cinzwai uyu murairo unoʋuya kwamuri. 2Kana imi musiŋgaɗi kunzwa, kana musiŋgaɗi kuita nomŋoyo wenyu ɀandakaraira kuti mukudze zita raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ipapo ndicatuma kutuka pamsoro penyu, ndicatuka ropafadzo dzenyu; ɀirokwaɀo ndatoɀituka, nokuti hamuɀiiti nomŋoyo wenyu. 3Tarirai, ndicatuka ʋana ʋenyu, ndicamhamira ndoʋe kuɀiso ɀenyu, iyo ndoʋe yemitambo yenyu; mucabviswa pamŋe cete naro. 4Ipapo mucaziʋa kuti ndini ndakakutumirai murairo uyu, kuti suŋgano yaŋgu iʋe naRevi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 5Suŋgano yaŋgu naʋo yakaŋga iri yoʋupenyu norugare; ndakaʋapa iɀo kuti ʋanditye, ʋakanditya, ʋakaɗeɗera nokuɗa kwezita raŋgu. 6Murairo weɀokwaɗi wakaŋga uri mumuromo waʋo, kusarurama hakuna‐kuwanikwa pamiromo yaʋo; ʋakafambidzana neni norugare nokururama, ʋakadzora ʋazhinji paɀakaipa. 7Nokuti miromo yomuprista inofanira kuceŋgeta ziʋo, ʋanhu ʋanofanira kubvunza murairo pamuromo wake; nokuti ndiye nhume yaJehova wehondo. 8Asi imi makatsauka panzira; makagumbusa ʋazhinji pamurairo; makaȿiɓisa suŋgano yaRevi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 9Saka ndakakuitai ʋanhu ʋanoɀidzwa naʋanorambga naʋanhu ʋose, ɀamusina‐kuceŋgeta nzira dzaŋgu, mukatsaura ʋanhu pakutoŋga murairo.
10Ko isu tose hatinaɓaɓa ʋamŋe here? Haazi Mŋari mumŋe wakatisika here? Tinogonyeŋgerana neiko mumŋe nomumŋe hama yake, ticimhura suŋgano yamadziɓaɓa eɗu? 11Juda ʋakanyeŋgera, cinhu cinonyaŋgadza cakaitwa pakati paIsraeri napaJerusarema; nokuti Juda ʋakamhura nɀimbo tȿene yaJehova, inoɗikanwa naye, ʋakawana mukunda wamŋari waʋatorwa. 12Munhu unoita ɀakaɗai, Jehova ucamubvisira pamatente aJakobo, unoɗana nounopindura, nounoʋigira Jehova wehondo ɀipiriso. 13Munoita ʋo iɀoɀi: Munofukidza artari yaJehova nemisodzi, nokucema, nokugomera, naiɀoɀo haacaraŋgariri cipiriso, kana kucigamucira nomufaro pamaʋoko enyu. 14Kunyaŋge ɀakaɗaro munoti: Nemhaka yeiko? Nokuti Jehova wakaŋga ari capupu pakati pako nomukadzi woʋujaya bgako, wawakanyeŋgera, kunyaŋge ari shamŋari yako, nomukadzi wako wawakaita suŋgano yako naye. 15Ko haana‐kuita mumŋe cete, kunyaŋge akaŋga anomumŋe Mŋeya wakasara here? Ɀino wakaitireiko mumŋe cete? Wakatȿaka rudzi rwaMŋari. Saka cenjererai mŋeya yenyu, kurege kuʋa nomumŋe unonyeŋgera mukadzi woʋujaya bgake. 16Nokuti ndinoʋeŋga kurambana — ndiɀo ɀinotaura Jehova, Mŋari waIsraeri — ʋuye munhu unofukidza ŋguʋo yake nokumanikidza — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; saka cenjererai mŋeya yenyu, kuti murege kunyeŋgera.
17Makanetsa Jehova namashoko enyu. Kunyaŋge ɀakaɗaro munoti: Takamunetsa neiko? Pakutaura kwenyu, muciti: Mumŋe nomumŋe unoita ɀakaipa, wakanaka pamberi paJehova, ndiʋo ʋaanofarira; kana: Mŋari weɀakarurama uripiko?

Zvasarudzwa nguva ino

Maraki 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda