Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 23:27-38

Ruka 23:27-38 SUB1949

Akateʋerwa naʋanhu ʋazhinji‐zhinji, naʋakadzi ʋaimuririra nokumucema. Asi Jesu wakatendeʋukira kwaʋari, akati: Ʋakunda ʋeJerusarema, musandicema ini, asi muɀiceme imi naʋana ʋenyu; nokuti tarirai, mazuʋa anoʋuya, aʋacati: Ʋakaropafadzwa ʋasiŋgaponi, neɀiɀaro ɀisinakutoŋgoɓereka, namazamu asina‐kumŋisa. Musi uyo mucataŋga kureʋa kumakomo, muciti: Wirai pamsoro peɗu, nokuɀikomo: Tifukidzei. Nokuti kana ʋaciita iɀi kumuti munyoro, wakawoma ucaitirweiko? Kwakaŋga kunaʋamŋe ʋatadzi ʋaʋiri ʋo, ʋaʋakaenda naʋo pamŋe cete naye kundoʋurawa. Ɀino ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Ƌehenya, ʋakamuroʋera’po naʋatadzi, mumŋe kurudyi mumŋe kuruɓoshwe. Ipapo Jesu akati: Ƃaɓa, muʋakaŋganwire, nokuti haʋaziʋi caʋanoita. Ʋakagoʋana ŋguʋo dzake, ʋacikanda mijenya pamsoro padzo. Ʋanhu ʋakamira, ʋacitarira; naʋaɓati ʋakamuseka ʋo, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe; ŋgaaɀiponese, kana ari Kristu waMŋari, Musanaŋgurwa wake. Naʋarwi ʋo ʋakamuseka, ʋakaʋuya kwaari, ʋakamupa vinega, ʋaciti: Kana uri Mambo waʋaJuda, uɀiponese. Ɀino kwakaŋga kunorunyoro ʋo pamsoro pake, rwaiti: UYU NDIMAMBO WAƲAJUDA.

Verenga chikamu Ruka 23