Ɀino zuʋa reɀiŋgwa ɀisinembiriso rakati raȿika, rakafanira kuɓayirwa paseka naro, akatuma Petro naJohane, aciti: Endai, mundotigadzirira paseka, kuti tidye. Ʋakati kwaari: Munoɗa kuti tigadzirirepiko? Akati kwaʋari: Tarirai, kana mapinda muguta, mucasoŋgana nomunhu akatakura ciroŋgo cemvura; mumuteʋere iye kumba kwanoenda; muti kumŋene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yaʋaeni iripiko, mandiŋgadyira paseka naʋadzidzi ʋaŋgu? Ucakuratidzai imba huru iri kumsoro, yakaroŋgedzwa; gadzirai ipapo. Ʋakaenda, ʋakandowana seɀaakaŋga aʋaʋudza; ʋakagadzira paseka. Ɀino ŋguʋa yakati yaȿika, akagara pakudya naʋaapostora. Akati kwaʋari: Ndakaŋga ndiciɗa ɀikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri: Handicazoidyi, kuȿikira yaitika muʋushe bgaMŋari. Ɀino akatora mukombe; akaʋoŋga, akati: Torai ici, mugoʋane pakati penyu. Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva ɀino handicatoŋgonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira ʋushe bgaMŋari bgaȿika. Akatora ciŋgwa, akaʋoŋga, akameɗura, akaʋapa, aciti: Ici muʋiri waŋgu, unopiwemi; itai iɀi, mugondiraŋgarira.
Verenga chikamu Ruka 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 22:7-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo