Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 22:1-62

Ruka 22:1-62 SUB1949

Ɀino mutambo weɀiŋgwa ɀisinembiriso, unonzi paseka, wakasweɗera. Ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakatȿaka kuti ʋaŋgamuʋuraya sei; nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋanhu. Ɀino Satani wakapinda kunaJudasi wainzi Iskarioti, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri. Akaenda, akandoraŋgana naʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋetembere, kuti uŋgamuisa kwaʋari sei. Ʋakafara, ʋakatenderana naye ʋose kuti ʋamupe mari. Akatenda, akatȿaka ŋguʋa yokumuisa nayo kwaʋari pasinaʋanhu ʋazhinji. Ɀino zuʋa reɀiŋgwa ɀisinembiriso rakati raȿika, rakafanira kuɓayirwa paseka naro, akatuma Petro naJohane, aciti: Endai, mundotigadzirira paseka, kuti tidye. Ʋakati kwaari: Munoɗa kuti tigadzirirepiko? Akati kwaʋari: Tarirai, kana mapinda muguta, mucasoŋgana nomunhu akatakura ciroŋgo cemvura; mumuteʋere iye kumba kwanoenda; muti kumŋene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yaʋaeni iripiko, mandiŋgadyira paseka naʋadzidzi ʋaŋgu? Ucakuratidzai imba huru iri kumsoro, yakaroŋgedzwa; gadzirai ipapo. Ʋakaenda, ʋakandowana seɀaakaŋga aʋaʋudza; ʋakagadzira paseka. Ɀino ŋguʋa yakati yaȿika, akagara pakudya naʋaapostora. Akati kwaʋari: Ndakaŋga ndiciɗa ɀikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri: Handicazoidyi, kuȿikira yaitika muʋushe bgaMŋari. Ɀino akatora mukombe; akaʋoŋga, akati: Torai ici, mugoʋane pakati penyu. Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva ɀino handicatoŋgonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira ʋushe bgaMŋari bgaȿika. Akatora ciŋgwa, akaʋoŋga, akameɗura, akaʋapa, aciti: Ici muʋiri waŋgu, unopiwemi; itai iɀi, mugondiraŋgarira. Nokuɗaro ʋo, ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu isuŋgano itȿa muropa raŋgu, rinoteʋurirwemi. Asi tarirai, ruʋoko rwaiye, unondipandukira, runeni patafura. Nokuti Mŋanakomana womunhu unoenda hake, seɀaɀakatemŋa; asi unenhamo munhu uyo waanopandukirwa naye. Ipapo ʋakataŋga kubvunzana kuti ndianiko kwaʋari uŋgaita cinhu ico. Ɀino nharo dzakamuka pakati paʋo kuti ndiani kwaʋari ucanzi mukuru. Akati kwaʋari: Madzimambo aʋahedeni anesimba pamsoro paʋo, naʋaɓati ʋaʋo ʋanonzi ʋaɓatsiri. Ɀino imi musaɗaro, asi mukuru kwamuri ŋgaaʋe somuɗuku, nomutuŋgamiri sounoshumira. Nokuti ndianiko mukuru, ugere pakudya, kana unomushumira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira. Ɀino imi ndimi makagara neni pamiidzo yaŋgu. Ndinokugarisai nhaka yoʋushe saƂaɓa ʋaŋgu ʋakandigarisa nhaka, kuti mugodya nokunwa patafura raŋgu muʋushe bgaŋgu; mucagara paɀigaro ɀoʋushe, mucitoŋga marudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri. Simoni! Simoni! tarira Satani wakakumbira kuti akuzuŋgurei imi seɀiyo; asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeʋuka, usimbise hama dzako. Akati kwaari: Ishe, ndakaɀigadzirira kuenda nemi mutoroŋgo, kunyaŋge kurufu. Akati: Petro, ndinoti kwauri: Nhasi, joŋgwe risati rarira, ucaramba katatu uciti haundiziʋi. Ɀino akati kwaʋari: Musi wandakakutumai, musinecikwama nehomboɗo neshaŋgu, makashaiwa cinhu here? Ʋakati: Hakuna. Akati kwaʋari: Asi ɀino, unecikwama, ŋgaacitore, nokuɗaro ʋo unehomboɗo; usinomunondo, ŋgaateŋgese ŋguʋo yake, auteŋge. Nokuti ndinoti kwamuri, kuti iɀi ɀakanyorwa ɀinofanira kuitika kwandiri, ɀinoti: Wakaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaɗariki ʋomurairo; nokuti iɀo ɀakanyorwa pamsoro paŋgu ɀoitika. Ipapo ʋakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miʋiri. Akati kwaʋari: Ɀariŋgana. Ɀino wakaɓuɗa, akaenda kugomo reMiorivi, seɀaaisiita; naʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera. Wakati aȿika panɀimbo iyo, akati kwaʋari: Nyeŋgeterai kuti murege kupinda pakuidzwa. Akaparadzana naʋo, cinhambo ciŋgaȿika ibge, kana rikaposherwa; akafugama, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa, kana muciɗa, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuɗa kwaŋgu kurege kuitwa, asi kwenyu. Ipapo mutumŋa akaʋonekwa naye, wakabva kuɗeŋga, akamusimbisa. Ɀino, ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyeŋgetera; ziya rake rikaita samaɗonhwe eropa, akaɗonhera pasi. Akasimuka pakunyeŋgetera, akaenda kuʋadzidzi, akaʋawana ʋaʋata neshuŋgu dzomŋoyo. Akati kwaʋari: Maʋatireiko? Mukai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda pakuidzwa. Wakati acataura, tarira, ʋanhu ʋazhinji, naiye wainzi Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaʋatuŋgamirira; akasweɗera kunaJesu, kuti amuȿete. Jesu akati kwaari: Judasi, unopandukira Mŋanakomana womunhu nokuȿeta here? Ɀino ʋaiʋa naye ʋakati ʋaciʋona ɀicaitika, ʋakati: Ishe, totema neminondo here? Ipapo mumŋe waʋo akatema muranda womuprista mukuru, akamugura nzeʋe yorudyi. Jesu akapindura, akati: Regai, ɀariŋgana. Akaɓata nzeʋe yake, akamuporesa. Ɀino Jesu akati kuʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋetembere, naʋakuru ʋakaŋga ʋaʋuya kwaari kumuɓata: Maɓuɗa neminondo netȿimbo sokugororo here? Ndaiʋa nemi mutembere mazuʋa ose mukasandiɓata; asi ɀino iŋguʋa yenyu nesimba rerima. Ɀino ʋakamuɓata, ʋakaenda naye, ʋakandomuisa kumba kwomuprista mukuru. Petro akateʋera ari kure. Ʋakati ʋaʋesa mŋoto pakati poruʋazhe, ʋakagara pasi pamŋe cete, naPetro akagara pakati paʋo. Ɀino mumŋe mushandiri wakati acimuʋona agere muciedza comŋoto, akamutarisisa, akati: Noyuyu ʋo wakaŋga anaye. Asi iye wakaramba, aciti: Iwe mukadzi, handimuziʋi. Garegare, mumŋe ɀe akamuʋona, akati: Iwe uri mumŋe waʋo. Petro akati: Iwe munhu, handizati. Ŋguʋa ineŋge seimŋe yakati yapfuʋura, mumŋe ɀe akasimbisa, aciti: Ɀirokwaɀo, uyu wakaŋga anaye ʋo; nokuti muGarirea. Petro akati: Iwe munhu, handiziʋi ɀaunoreʋa! Pakarepo, acataura, joŋgwe rikarira. Ipapo Ishe akatendeʋuka, akatarira Petro. Petro akaraŋgarira shoko raShe, raakaŋga amuʋudza, aciti: Joŋgwe risati rarira nhasi, ucandiramba katatu. Akaɓuɗa, akacema ɀikuru.

Verenga chikamu Ruka 22