Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 18:35-43

Ruka 18:35-43 SUB1949

Ɀino wakati asweɗera Jeriko, rimŋe ɓofu raigara panzira ricikumbira, rakanzwa ʋanhu ʋazhinji ʋacipfuʋura, rikabvunza, riciti: Cinyiko? Ʋakariʋudza, ʋaciti: NdiJesu weNazareta unopfuʋura. Ipapo rakaɗanidzira, riciti: Jesu, Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ɀino ʋakaŋga ʋakatuŋgamira ʋakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kuɗanidzira, riciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ɀino Jesu wakamira, akaraira kuti ʋaʋuye naro kwaari; rikati rasweɗera, akaribvunza, aciti: Unoɗa kuti ndikuitireiko? Rikati: Ishe, kuti ndiʋone. Jesu akati kwariri: Ciʋona, kutenda kwako kwakuponesa. Pakarepo rikaʋona, rikamuteʋera, ricirumbidza Mŋari. Ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakakudza Mŋari.

Verenga chikamu Ruka 18