Ɀino wakaʋaʋudza mufananidzo wokuti ʋanofanira kunyeŋgetera ŋguʋa dzose, ʋasiŋgarashi mŋoyo; akati: Munerimŋe guta makaŋga munomumŋe mutoŋgi, wakaŋga asiŋgatyi Mŋari, kana kuʋa nehanya nomunhu. Ɀino kwakaŋga kunecirikadzi muguta iro, yairamba iciʋuya kwaari, iciti: Ndiruramisire kumuʋeŋgi waŋgu. Iye akamboramba ŋguʋa; asi pashure akati mumŋoyo make: Kunyaŋge ndisiŋgatyi Mŋari, kana kuʋa nehanya nomunhu; iyi cirikadzi ɀainonditambudza, ndicairuramisira, kuti irege kuzoʋuya pashure indiroʋe kumeso. Ishe akati: Inzwai ɀinorebga nomutoŋgi usakarurama. Ko ɀino Mŋari haaŋgaruramisiri ʋakasanaŋgurwa ʋake, ʋanoɗanidzira kwaari masikati noʋusiku, kunyaŋge acinonoka pamsoro paʋo here? Ndinoti kwamuri: Ucakurumidza kuʋaruramisira. Asi Mŋanakomana womunhu kana aciȿika, ucawana kutenda panyika here?
Wakareʋa ʋo mufananidzo uyu kunaʋamŋe, ʋakaŋga ʋaciɀitenda, ʋaciti takarurama, ʋaciɀidza ʋamŋe, akati: Ʋanhu ʋaʋiri ʋakakwira kutembere kundonyeŋgetera, mumŋe ari muFarise, mumŋe ari muteresi. MuFarise akandomira, akanyeŋgetera kuɗai, aciɀireʋa, akati: Ndinokutendai Mŋari, kuti handina‐kufanana naʋamŋe ʋanhu, makororo, ʋasakarurama, mhombge, kana nomuteresi uyo. Ndinoɀinyima ɀokudya kaʋiri neviki, ndinopa cegumi ceɀose ɀandinowana. Asi muteresi wakamira kure, asiŋgaɗi kunyaŋge nokutarira kuɗeŋga, akaɀiroʋa cifuʋa, akati: Mŋari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi! Ndinoti kwamuri: Uyu wakaɓurukira kumba kwake aruramiswa kupfuʋura uya. Nokuti mumŋe nomumŋe, unoɀikudza, ucaninipiswa, nomumŋe nomumŋe, unoɀininipisa ucakudzwa.
Ɀino ʋakaʋuya naʋacece ʋo kwaari, kuti aʋanyaŋgate; asi ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakaʋaraira. Ipapo Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati: Regai ʋana ʋaɗuku, ʋaʋuye kwandiri, musaʋadziʋisa, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgaʋakaɗai. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Aninani usiŋgagamuciri ʋushe bgaMŋari somŋana muɗuku, haaŋgatoŋgopindi mabguri.
Ɀino mumŋe mukuru wakamubvunza, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi? Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna‐wakanaka, asi mumŋe cete, iye Mŋari. Mirairo unoiziʋa, inoti: Usaita ʋupombge, usaʋuraya, usaɓa, usapupura nhema, kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako. Iye akati: Iɀi ɀose ndakaɀiceŋgeta kubva paʋuɗuku bgaŋgu. Ɀino Jesu aciɀinzwa, akati kwaari: Unoshaiwa cinhu cimŋe cete; teŋgesa ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, uʋe nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya, unditeʋere. Ɀino wakati acinzwa iɀoɀo, akaɓatwa neshuŋgu kwaɀo; nokuti wakaŋga anefuma zhinji. Ɀino Jesu, acimuʋona, akati: Ʋanefuma ʋacaremerwa sei kupinda muʋushe bgaMŋari. Nokuti kamera iŋgarerukirwa kupinda paʋuri rorunji, kumufumi kupinda muʋushe bgaMŋari. Ɀino ʋakaŋga ʋaɀinzwa, ʋakati: Ndianiko uŋgagoponeswa? Iye akati: Iɀo ɀisiŋgabviri kuʋanhu, ɀinobvira kunaMŋari. Ipapo Petro akati: Tarirai, isu takasiya ɀose, tikakuteʋerai. Akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana mukadzi, kana ʋanuŋuna, kana ʋaɓereki, kana ʋana, nokuɗa kwoʋushe bgaMŋari, usiŋgazopiwi ɀizhinji kunaiɀoɀo neŋguʋa ino, ʋuye ʋupenyu bgusiŋgaperi neŋguʋa inoʋuya.