Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 11:1-11

Ruka 11:1-11 SUB1949

Ɀino wakati acinyeŋgetera paneimŋe nɀimbo, apedza, mumŋe waʋadzidzi ʋake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyeŋgetera, Johane seɀaakadzidzisa ʋadzidzi ʋake ʋo. Akati kwaʋari: Kana mucinyeŋgetera, muti: Ƃaɓa, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene; ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye; mutipei zuʋa rimŋe nerimŋe ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana; mutikaŋganwirei ɀiʋi ɀeɗu, nokuti nesu tinokaŋganwira ʋose ʋanemhoȿa nesu; musatiisa pakuidzwa. Akati kwaʋari: Ndianiko kwamuri uŋgaʋa neshamŋari, akaenda kwaari pakati poʋusiku, akati kwaari: Shamŋari, ndipose ʋo ɀiŋgwa ɀitatu; nokuti shamŋari yaŋgu iri parwendo yakaȿika kwandiri, ɀino handina‐candiŋgamupakurira. Uri mukati akapindura, akati: Usandinetsa; mukoʋa watopfigwa, naʋana ʋaŋgu ʋaʋa neni panhoʋo; handiŋgamuki ndikakupa. Ndinoti kwamuri: Kunyaŋge asiŋgamuki akamupa, nokuɗa kwokuti ishamŋari yake, kunyaŋge ɀakaɗaro, nokuɗa kwokutsuŋgirira kwake, ucamuka, akamupa ɀose ɀaanoshaiwa. Ndinoti kwamuri: Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa. Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira, unopiwa; unotȿaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa. Ndaʋapiko ɓaɓa pakati penyu, kana mŋanakomana acikumbira ciŋgwa, ʋaŋgamupa ibge here? Kana hoʋe, ʋaŋgamupa nyoka panɀimbo yehoʋe here?

Verenga chikamu Ruka 11