Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 10:25-35

Ruka 10:25-35 SUB1949

Ɀino mumŋe muɗudziri womurairo wakasimuka, akamuidza, aciti: Mudzidzisi, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi? Akati kwaari: Pamurairo pakanyorweiko? Unoraʋa sei? Iye akapindura, akati: Iɗa Ishe, Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nesimba rako rose, nokufuŋga kwako kwose, nowokwako seɀaunoɀiɗa iwe. Akati kwaari: Wapindura ɀakanaka; ita iɀoɀo, ugorarama. Asi iye, aciɗa kuɀiruramisa, akati kunaJesu: Wokwaŋgu ndianiko? Jesu akapindura, akati: Mumŋe munhu wakabva Jerusarema, akaɓurukira Jeriko; akawirwa namakororo, akamupamba ŋguʋo, akamuroʋa, akaenda, ndokumusiya oɗa kufa. Ɀino mumŋe muprista wakaŋga aciŋgoɓuruka hake nenzira iyo; akati acimuʋona, akanyenyeredza. Nokuɗaro muRevi ʋo wakaȿika’po, akamuʋona, akanyenyeredza. Ɀino mumŋe muSamaria, wakaŋga ari parwendo, wakaȿika kwaari; akati acimuʋona, akamunzwira tsitsi, akaenda kwaari, ndokupombera maʋaŋga ake, akaaɗira mafuta newaini; akamukwidza pacipfuwo cake, ndokumuisa kuimba yaʋaeni, ndokumuceŋgeta. Ɀino, aʋa maŋgwana, akaɓuɗisa madenari maʋiri, akaapa mŋene weimba, akati: Muceŋgete; ʋuye ɀose ɀaunomuripira kupfuʋura iɀi, ndicakupa ɀe, kana ndicidzoka.

Verenga chikamu Ruka 10