Nomŋedzi wecitanhatu mutumŋa Gabrieri wakatumŋa naMŋari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta, kumhandara yakaŋga yanyeŋgwa nomurume, wainzi Josefa, weimba yaDavidi; zita remhandara rainzi Maria. Mutumŋa akapinda kwaari, akati: Kwaziwa, iwe wakaropafadzwa, Ishe unewe! Iye akavunduswa kwaɀo neshoko iro, akafuŋga kuti kukwazisa kwakaɗaro ndokweiko. Ipapo mutumŋa akati kwaari: Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMŋari. Tarira, ucaʋa nemimba, ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye ucaʋa mukuru, ucanzi Mŋanakomana woWokumsoro‐soro; Ishe Mŋari ucamupa cigaro coʋushe caɓaɓa ʋake Davidi. Ucaɓata imba yaJakobo nokusiŋgaperi, noʋushe bgake habguŋgaʋi nomugumo. Ipapo Maria akati kumutumŋa: Iɀoɀi ɀiŋgaʋa seiko, ɀandisiŋgaziʋi murume? Mutumŋa akapindura, akati kwaari: Mŋeya Mutȿene ucaʋuya pamsoro pako, nesimba roWokumsoro‐soro ricakufukidza; saka ico citȿene cicaɓerekwa cicanzi: Mŋanakomana waMŋari. Ʋuye tarira, Erisabete, hama yako, naiye waʋa nemimba ʋo yomŋanakomana pakucembera kwake; mŋedzi uno waʋa wecitanhatu kunaiye wainzi haaɓereki. Nokuti hakuneshoko raMŋari ricashaiwa simba. Ipapo Maria akati: Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe haŋgu seɀamataura. Mutumŋa akabva kwaari.
Verenga chikamu Ruka 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 1:26-38
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo