Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 10:1-11

Revitiko 10:1-11 SUB1949

Ɀino Nadabi naAbihu, ʋanakomana ʋaAroni, ʋakatora mumŋe nomumŋe haryana yake yeɀinonhuwira, ʋakaisa’mo mŋoto, ndokuisa ɀinonhuwira pamsoro pawo, ʋakaʋuya pamberi paJehova nomŋoto usina‐kutenderwa waasina‐kuraira. Ipapo mŋoto wakaɓuɗa pamberi paJehova, ukaʋaʋuraya, ʋakafa pamberi paJehova. Ɀino Mosesi akati kunaAroni: Jehova wakataura cinhu ici, akati: Ndicaɀiratidza kuti ndiri mutȿene munaʋose ʋanosweɗera kwandiri, ndicaɀirumbidza pamberi paʋanhu ʋose. Aroni akanyarara. Ipapo Mosesi akaɗana Mishaeri naErzafani, ʋanakomana ʋaUzieri, ɓaɓamunini ʋaAroni, akati kwaʋari: Sweɗerai, mubvise hama dzenyu pamberi penɀimbo tȿene, muʋatakurire kunze kwemisasa. Ipapo ʋakasweɗera, ʋakaʋatakurira kunze kwemisasa ʋanamajasi aʋo, seɀakaŋga ɀataurwa naMosesi. Ɀino Mosesi akati kunaAroni nokunaEreazari nokunaItamari, ʋanakomana ʋake: Musasunuŋgura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura ŋguʋo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamŋira ʋuŋgano yose; asi hama dzenyu, ʋeimba yose yaIsraeri, iʋo ŋgaʋaceme kupisa kwakatuŋgidzwa naJehova. Musaɓuɗa pamukoʋa wetente rokusoŋgana, kuti murege kufa, nokuti mafuta okuzodza aJehova ari pamsoro penyu. Ʋakaita seɀaʋakaʋudzwa naMosesi. Ɀino Jehova wakataura naAroni, akati: Usanwa waini kana cinhu cinoɓata, iwe naʋanakomana ʋako pamŋe cete newe, kana mucipinda mutente rokusoŋgana, kuti murege kufa; uʋe murairo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose. Munofanira kutsaura pakati peɀitȿene neɀisati ɀiri ɀitȿene, pakati peɀisina‐kunaka neɀakanaka; munofanira kudzidzisa ʋana ʋaIsraeri mirairo yose yakarairwa naJehova nomuromo waMosesi.

Verenga chikamu Revitiko 10