Joshua 19
19
Mugoʋe waSimeoni.
1Mugoʋe wecipiri wakapiwa Simeoni, irwo rudzi rwaʋana ʋaSimeoni nemhuri dzaʋo; nhaka yaʋo yakaŋga iri pakati penhaka yaʋana ʋaJuda. 2Panhaka yaʋo ʋakaŋga ʋaneBeeri‐sheba, kana Sheba, neMorada, 3neHazari‐shuari, ne‐Bara, neEzemi, 4neErtoradi, neBeturi, neHorma, 5neZikragi, neBeti‐markaboti, neHazari‐susa, 6neBeti‐rebaoti, neSharuheni; maguta anegumi namatatu nemisha yawo: 7Aini, neRimoni, neEteri, neAshani; maguta manna nemisha yawo; 8nemisha yose yakapoteredza maguta iwayo kuȿikira paBaarati‐beeri, raiʋa Rama rezasi. Ndiyo yakaŋga iri nhaka yorudzi rwaʋana ʋaSimeoni nemhuri dzaʋo. 9Nhaka yaʋana ʋaSimeoni yakaŋga yatorwa pamugoʋe waʋana ʋaJuda, nokuti mugoʋe waʋana ʋaJuda wakaŋga uri mukurusa; naiɀoɀo ʋana ʋaSimeoni ʋakapiwa nhaka pakati penhaka yaʋo.
Nhaka yaZeburuni.
10Mugoʋe wecitatu wakapiwa ʋana ʋaZeburuni, nemhuri dzaʋo; muganho wenhaka yaʋo wakaȿika paSaridi. 11Muganho waʋo wakakwira kumaʋirazuʋa, kuȿikira paMarara, ndokuȿikira paDabesheti, ndokuȿikira kurukoʋa rwaiʋa pamberi peJokneami; 12kubva paSaridi wakadzokera kumabvazuʋa, kunoɓuɗa zuʋa, kuȿikira kumuganho weKisroti‐tabori, ndokuɓuɗira kuDaberati, ndokukwira Jafia; 13kubva ipapo wakapfuʋura kumabvazuʋa ucienda Gati‐heferi, kuȿikira paEti‐kazini, ndokuguma paRimoni, rinoȿika paNea; 14ɀino muganho ndokudzoka kurutiʋi rwokumsoro, ndokuenda Hanatoni, ndokuguma pamupata weIftaeri; 15neKatati, neNaharari, neShimroni, neIdara, neBeti‐rehemi; maguta anegumi namaʋiri nemisha yawo. 16Ndiyo yakaŋga iri nhaka yaʋana ʋaZeburuni, nemhuri dzaʋo, maguta iwayo nemisha yawo.
Nhaka yaIsakari.
17Mugoʋe wecinna wakapiwa Isakari, iʋo ʋana ʋaIsakari, nemhuri dzaʋo. 18Muganho waʋo wakaȿika paJezreeri, neKesuroti, neShunemi, 19neHafaraimi, neShioni, neAnaharoti, 20neRabiti, neKishioni, neEbesi, 21neRemeti, neEni‐ganimi, neEni‐hada, neBeti‐pazezi; 22muganho ukaȿika paTabori, neShahazuma, neBeti‐shemeshi; muganho ndokugumira paJoridani; maguta anegumi namatanhatu nemisha yawo. 23Ndiyo yakaŋga iri nhaka yorudzi rwaʋana ʋaIsakari nemhuri dzaʋo, maguta nemisha yawo.
Nhaka yaAsheri.
24Mugoʋe wecishanu wakapiwa rudzi rwaʋana ʋaAsheri nemhuri dzaʋo. 25Muganho waʋo wakaŋga uri: Herkati, neHari, neBeteni, neAkshafi, 26neAramereki, neAmadi, neMishari, ndokuȿikira paKarmeri kumaʋirazuʋa, nokuShihori‐riɓnati; 27ndokudzokera kumabvazuʋa kuBeti‐dagoni ndokuȿikira kwaZeburuni, nokumupata weIftaeri kumsoro, kuȿikira paBeti‐emeki, neNeyeri, nokuɓuɗira paKaburi kuruɓoshwe, 28neEbroni, neRehobi, neHamoni, neKana, kuȿikira paZidoni guru; 29ɀino muganho ndokudzokera kuRama, nokuguta reTire rakakombga noruȿiŋgo; muganho ndokudzokera Hosa, ndokuguma paguŋgwa panyika yeAkzibi; 30ʋuye Uma, neAfeki, neRehobi; maguta makumi maʋiri namaʋiri nemisha yawo. 31Ndiyo yakaŋga iri nhaka yorudzi rwaʋana ʋaAsheri, nemhuri dzaʋo, maguta iwaya nemisha yawo.
Nhaka yaNaftari.
32Mugoʋe wecitanhatu wakapiwa ʋana ʋaNaftari, iʋo ʋana ʋaNaftari nemhuri dzaʋo. 33Muganho waʋo wakabva paHerefi, kubva pamuouki weZaananimi, neAdami‐nekebi, neJabneeri, kuȿikira paRakumi, ndokuguma paJoridani; 34ipapo muganho wakadzoka kumabvazuʋa, ndokuenda Aznoti‐tabori; ndokubva’po, ndokuenda Hukoki; ndokuȿika kwaZeburuni kurutiʋi rwezasi, ndokuȿika kwaAsheri kumaʋirazuʋa, ndokuȿika kwaJuda paJoridani kumabvazuʋa. 35Maguta akaŋga akakombga namaȿiŋgo akaŋga ari Zidimi, neZera, neHamati, neRakati, neKinereti, 36neAdama, neRama, neHazori, 37neKedeshi, neEdrei, neEni‐hazori, 38neIroni, neMigdari‐eri, neHoremi, neBeti‐anati, neBeti‐shemeshi; maguta anegumi namapfumbamŋe, nemisha yawo. 39Ndiyo yakaŋga iri nhaka yorudzi rwaʋana ʋaNaftari nemhuri dzaʋo, maguta iwaya nemisha yawo.
Nhaka yaDani.
40Mugoʋe wecinomŋe wakapiwa rudzi rwaʋana ʋaDani nemhuri dzaʋo. 41Muganho wenhaka yaʋo wakaŋga uri Zora, neEshtaori, neIri‐shemeshi; 42neShaarabini, neAjaroni, neItra, 43neEroni, neTimna, neEkroni, 44neErteke, neGibetoni, neBaarati, 45neJehudi, neBeni‐beraki, neGati‐rimoni, 46neMe‐jarkoni, neRakoni, nenyika yakatarisana neJopa. 47Asi nyika yaʋana ʋaDani yakaŋga iri ɗukusa; naiɀoɀo ʋana ʋaDani ʋakandorwa neReshemi, ʋakarikunda, ʋakariparadza neminondo inopinza, ʋakapiwa guta iro, ʋakagara’mo; ʋakatumidza Reshemi zita rinonzi Dani, zita raɓaɓa ʋaʋo Dani. 48Ndiyo yakaŋga iri nhaka yorudzi rwaʋana ʋaDani nemhuri dzaʋo, maguta iwaya nemisha yawo.
Joshua unopiwa Timnati‐sera.
49Naiɀoɀo ʋakapedza kugoʋera nyika, yakaŋga iri nhaka yaʋo nemiganho yayo; ʋana ʋaIsraeri ʋakapa Joshua, mŋanakomana waNuni nhaka yake pakati paʋo; 50seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ʋakamupa guta raakakumbira, Timnati‐sera, panyika yamakomo yaEfraimi; akaʋaka guta iro, akagara’mo.
51Ndidzo nhaka dzakagoʋerwa nemijenya paShiro pamberi paJehova, pamukoʋa wetente rokusoŋgana, nomuprista Ereazari, naJoshua mŋanakomana waNuni, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa amarudzi aʋana ʋaIsraeri, kuti dziʋe nhaka dzaʋo. Naiɀoɀo ʋakapedza kugoʋera nyika.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshua 19: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018