Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobo 6

6
Jobo unoɗa kufa hake, nokuti shamŋari dzake hadzinehanya naye.
1Ipapo Jobo akapindura, akati:
2Haiwa, ɗai kutambudzika kwaŋgu kwaiyerwa,
Nenjodzi dzaŋgu dzaiʋuŋganidzirwa paciyero!
3Nokuti ɀino ɀairema kupfuʋura jeca ramakuŋgwa;
Naiɀoɀo mashoko aŋgu aiʋa okuvurumuka.
4Nokuti miseʋe yoWamasimba yakandiɓaya mukati maŋgu,
Mŋeya waŋgu unonwa ʋuturu bgayo;
Ɀinotyisa ɀaMŋari ɀaɀigadzirira kurwa neni.
5Ko mbizi iŋgacema kana ineɓumhudza here?
Ko nzombe iŋgakuma paɀokudya ɀayo here?
6Ko cisiŋganaki ciŋgadyiwa cisinomunyu here?
Ko ɀicena ɀezai ɀinozipa here?
7Mŋeya waŋgu unoramba kuɀigunɀa;
Kwandiri ɀakafanana neɀokudya ɀinosemesa.
8Haiwa! ɗai ndaipiwa ɀandinokumbira;
Ƌai Mŋari aindipa ɀandinoshuʋa.
9Ƌai Mŋari aitenda hake kundipxanya,
Ƌai aitambanudza hake ruʋoko rwake, akandiparadza.
10Ipapo ndainyaradzwa haŋgu;
Ɀirokwaɀo ndaifara pakurwadziwa kusinetsitsi;
Nokuti handina‐kuramba mashoko oMutȿene.
11Simba raŋgu ndereiko, randiŋgamirira naro rufu?
Mugumo waŋgu ndoweiko, kuti nditsuŋgirire?
12Simba raŋgu rakafanana neramabge here?
Nyama yaŋgu indarira kanhi?
13Handizinoshaiwa ruɓatsiro mukati maŋgu here?
Ʋucenjeri kwabgo habguzadziŋgwa cose kwandiri here?
14Munhu, unorwisa kuziya, unofanira kuitirwa nyasha neshamŋari dzake;
Uŋgazorega kutya Wamasimba ose.
15Hama dzaŋgu dzakaita nokusatendeka sorukoʋa,
Sokuyerera kwehoʋa dzinopfuʋura;
16Dzakaȿiɓa nokuɗa kwamazaya ecando,
Ʋuye panoʋanda cando;
17Kana zuʋa ropisa, dzonyaŋgarika;
Kana kwopisa dzinopedzwa panɀimbo yadzo.
18Ʋafambi ʋanofamba nenzira yadzo ʋanotsauka,
Ʋanokwira kurenje ndokuparara.
19Ʋafambi ʋeTema ʋakatarira,
Mapoka eSheba akadzimirira.
20Ʋakanyadzwa nokuti ʋakaŋga ʋanetariro;
Ʋakaȿika’po ʋakakaŋganiswa.
21Nokuti ɀino hamuzi cinhu;
Munoʋona cinotyisa, ndokutya.
22Ko ndakati: Ndipei here?
Kana: Ndiʋigirei cipo cinobva pafuma yenyu here?
23Kana: Ndirwirei paruʋoko rwomudziʋisi here?
Kana: Ndidzikinurei paruʋoko rwaʋamanikidzi here?
24Ndidzidzisei, ndinyarare haŋgu;
Mundiɗudzire pandatadza.
25Mashoko akarurama anesimba sei!
Asi kutuka kwenyu kunotukeiko?
26Munofuŋga kutuka mashoko here?
Nokuti mashoko omunhu, warasha mŋoyo, anotorwa nemhepo.
27Ɀirokwaɀo munoɗa kukanda mijenya pamsoro penherera isinaɓaɓa,
Munoɗa kuteŋgesa shamŋari yenyu.
28Naiɀoɀo ɀino ciɗonditarirai henyu;
Nokuti ɀirokwaɀo handiŋgareʋi nhema pamberi penyu.
29Dzokai henyu, ndiɀo ɀandinokumbira, kusarurama kurege kuʋa’po,
Dzokai henyu, mhaka yaŋgu yakarurama.
30Parurimi rwaŋgu panokusarurama here?
Kuraʋira kwaŋgu hakuŋgasaruri ɀinhu ɀakashata here?

Zvasarudzwa nguva ino

Jobo 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda