Ɀino Jesu wakati kuʋaJuda aʋo, ʋakaŋga ʋamutenda: Kana imi mucigara mushoko raŋgu, muri ʋadzidzi ʋaŋgu ɀirokwaɀo. Mucaziʋa ɀokwaɗi, neɀokwaɗi icakusunuŋgurai. Ʋakamupindura, ʋakati: Tiri ʋorudzi rwaAbrahama isu, hatina‐kutoŋgoʋa ʋaranda ʋomunhu; ɀino iwe uŋgareʋa seiko kuti mucasunuŋgurwa? Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unoita ɀiʋi, ndiye muranda weɀiʋi. Muranda haagari mumba nokusiŋgaperi; mŋanakomana ndiye unogara nokusiŋgaperi. Naiɀoɀo kana Mŋanakomana acikusunuŋgurai, mucaʋa ʋakasunuŋguka kwaɀo. Ndinoziʋa kuti muri rudzi rwaAbrahama; asi munotȿaka kundiʋuraya, nokuti shoko raŋgu hariendiki mukati menyu. Ini ndinoreʋa iɀo ɀandakaʋona kunaƂaɓa ʋaŋgu; imi munoita ʋo ɀamanzwa kunaɓaɓa ʋenyu. Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ƃaɓa ʋeɗu ndiAbrahama. Jesu akati kwaʋari: Ƌai maiʋa ʋana ʋaAbrahama, maiita maɓasa aAbrahama. Asi ɀino munotȿaka kundiʋuraya, ini munhu wakakuʋudzai ɀokwaɗi, yandakanzwa kunaMŋari. Abrahama haana‐kuita iɀoɀo. Imi munoita maɓasa aɓaɓa ʋenyu. Ʋakati kwaari: Hatina‐kuɓerekwa noʋupombge; tinaƂaɓa ʋamŋe, iye Mŋari. Jesu akati kwaʋari: Ƌai Mŋari aiʋa Ƃaɓa ʋenyu, maindiɗa ini; nokuti Ndakaɓuɗa, ndikabva kunaMŋari. Nokuti handina‐kuɀiʋuyira ini ndimene, asi ndiye wakandituma. Hamunzwisisi seiko kutaura kwaŋgu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko raŋgu. Imi muri ʋaɓaɓa ʋenyu Diaborosi, munoɗa kuita kuɗa kwakaipa kwaɓaɓa ʋenyu. Iye wakaŋga ari muʋurayi kubva pakutaŋga; haamiri muɀokwaɗi, nokuti maari hamuneɀokwaɗi. Kana acireʋa nhema, unoreʋa ɀake, nokuti ndiye wenhema, ʋuye ɓaɓa ʋadzo. Asi ini, ɀandinoreʋa ɀokwaɗi, hamunditendi. Ndianiko kwamuri uŋganditendisa kuti ndineɀiʋi? Kana ndicireʋa ɀokwaɗi, munoregereiko kunditenda? Uri waMŋari, unonzwa mashoko aMŋari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamuzati muri ʋaMŋari. ƲaJuda ʋakapindura, ʋakati kwaari: Hatinakureʋa kwaɀo here, ticiti: Uri muSamaria, unomŋeya wakaipa? Jesu akapindura, akati: Handinomŋeya wakaipa, asi ndinokudza Ƃaɓa ʋaŋgu, ɀino imi mondiɀidza. Ini handitȿaki kuti ndikudzwe; uri’ko mumŋe unoɀitȿaka, acitoŋga. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akaceŋgeta shoko raŋgu, haaŋgatoŋgoʋoni rufu.