Akati kwaʋari: Imi muri ʋapasi, ini ndiri wokumsoro; imi muri ʋenyika ino, ini handizi wenyika ino. Naiɀoɀo ndakati kwamuri: Mucafira muɀiʋi ɀenyu, nokuti kana musiŋganditendi, kuti ndini iye, mucafira muɀiʋi ɀenyu. Ɀino ʋakati kwaari: Iwe ndiwe aniko? Jesu akati kwaʋari: Iɀo ɀandinoŋgoramba ndicikuʋudzai kubva pakutaŋga. Ndineɀizhinji ɀandinoɗa kureʋa nokutoŋga pamsoro penyu; asi wakandituma ndowaɀokwaɗi; iɀo ɀandakanzwa kwaari, ndiɀo ɀandinoʋudza nyika. Asi haʋana‐kunzwisisa kuti unoʋaʋudza ɀaƂaɓa. Naiɀoɀo Jesu akati: Kana masimudza Mŋanakomana womunhu, ipapo mucaziʋa kuti ndini iye, ʋuye kuti ini handiiti cinhu ndimene, asi ndinoreʋa iɀoɀo ɀandakadzidziswa naƂaɓa. Wakandituma uneni. Haana‐kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita ŋguʋa dzose ɀinomufadza. Wakati areʋa iɀoɀo, ʋazhinji ʋakatenda kwaari. Ɀino Jesu wakati kuʋaJuda aʋo, ʋakaŋga ʋamutenda: Kana imi mucigara mushoko raŋgu, muri ʋadzidzi ʋaŋgu ɀirokwaɀo. Mucaziʋa ɀokwaɗi, neɀokwaɗi icakusunuŋgurai.
Verenga chikamu Johane 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johane 8:23-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo