Nokuti Ƃaɓa sezaʋanomutsa ʋakafa, ʋaciʋararamisa, saiɀoɀo Mŋanakomana unoraramisa ʋo ʋaanoɗa kuraramisa. Nokuti naƂaɓa haʋatoŋgi munhu, asi ʋakapa Mŋanakomana kutoŋga kwose, kuti ʋose ʋakudze Mŋanakomana seɀaʋanokudza Ƃaɓa. Usiŋgakudzi Mŋanakomana, haakudzi naƂaɓa, ʋakamutuma. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko raŋgu, nokutenda wakandituma, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; haaʋuyi mukutoŋgwa, asi wabva murufu, waenda muʋupenyu. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ŋguʋa inoʋuya, naɀino yatoʋa’po, nayo ʋakafa ʋacanzwa inzwi roMŋanakomana waMŋari; ʋanonzwa ʋacararama. Nokuti Ƃaɓa seɀaʋanoʋupenyu maʋari, saiɀoɀo ʋo ʋakapa Mŋanakomana, kuti aʋe noʋupenyu maari. Ʋakamupa simba rokutoŋga, ɀaari Mŋanakomana womunhu. Musashamiswa naiɀoɀo; nokuti ŋguʋa inoʋuya, nayo ʋose ʋari mumabgiro ʋacanzwa inzwi rake, ʋacaɓuɗa; aʋo ʋakaita ɀakanaka, kukumuka kwoʋupenyu, aʋo ʋakaita ɀakaipa, kukumuka kwokutoŋgwa.
Handigoni kuita cinhu ndoga; ndinotoŋga seɀandinonzwa; kutoŋga kwaŋgu kwakarurama, nokuti handitȿaki kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwowakandituma.