Ɀino Ishe wakati aziʋa kuti ʋaFarise ʋakaŋga ʋanzwa kuti Jesu wakaita nokubapatidza ʋadzidzi kupfuʋura Johane, (kunyaŋge Jesu wakaŋga asiŋgabapatidzi amene, asi ʋadzidzi ʋake), akabva Judea, akaenda ɀeGarirea. Wakaŋga acifanira kupfuʋura neSamaria. Ɀino akaȿika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedyo nenyika yakaŋga yapa Jakobo mŋanakomana wake Josefa. Tsime raJakobo rakaŋga riri’po. Ɀino Jesu aneta nokufamba, ndokuŋgogara ɀake patsime. Yaiʋa ŋguʋa ineŋge yecitanhatu. Ɀino mumŋe mukadzi weSamaria akaȿika’po kuzocera mvura. Jesu akati kwaari: Ndipeiʋo, ndinwe. Nokuti ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaenda muguta kundoteŋga ɀokudya. Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko iwe muJuda, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria? (Nokuti ʋaJuda haʋafambidzani naʋaSamaria). Jesu akapindura, akati kwaari: Ƌai waiziʋa cipo caMŋari, ʋuye kuti ndiani unoti kwauri, ndipei ʋo ndinwe, uŋgaɗai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu. Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna‐camuŋgacera naco, tsime rakadzika, ɀino mvura mhenyu muŋgaiwanepiko? Ko muri mukuru kunaɓaɓa ʋeɗu Jakobo, ʋakatipa tsime iri, ʋakanwa pariri ʋamene naʋanakomana ʋaʋo neɀipfuwo ɀaʋo? Jesu akapindura, akati kwaari: Mumŋe nomumŋe, unonwa mvura iyi, ucaʋa nenyota ɀe.
Verenga chikamu Johane 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johane 4:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo