Ipapo akamuisa kwaʋari, kuti aroʋerwe pamucinjikwa.
Ɀino ʋakaenda naJesu; akaɓuɗa, acitakura mucinjikwa wake, akaenda kunɀimbo yainzi, Ƌehenya, neciHeberu icinzi Gorgota, paʋakamuroʋera pamucinjikwa, naʋamŋe ʋaʋiri naye, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, Jesu pakati. Pirato akanyora ʋo rugwaro, akaruisa pamucinjikwa; kwakaŋga kwakanyorwa, kucinzi: JESU WENAZARETA, MAMBO WAƲAJUDA. Ɀino ʋaJuda ʋazhinji ʋakaraʋa rugwaro urwo; nokuti nɀimbo iyo pakaŋga pakaroʋerwa Jesu pamucinjikwa, yaiʋa pedyo neguta; rwakaŋga rwakanyorwa neciHeberu, neciRoma, neciGiriki. Ipapo ʋaprista ʋakuru ʋaʋaJuda ʋakati kunaPirato: Musanyora muciti: Mambo waʋaJuda, asi kuti, Iye wakati: Ndiri mambo waʋaJuda. Pirato akapindura, akati: Ɀandanyora, ndanyora.
Ɀino ʋarwi ʋakati ʋaroʋera Jesu pamucinjikwa, ʋakatora ŋguʋo dzake, ʋakaita migoʋe minna, murwi mumŋe nomumŋe mugoʋe wake; neŋguʋo yapasi ʋo. Ɀino ŋguʋo iyi yakaŋga isina‐pakasonwa, asi yakaŋga yakarukwa yose kubva kumsoro kwayo. Ɀino ʋakataurirana, ʋaciti: ŋgatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamsoro payo, tiʋone kuti icaʋa yani; kuti Rugwaro ruitike, runoti:
Ʋakagoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo,
Ʋakakanda mijenya pamsoro pecokufuka caŋgu.
Ndiɀo ɀakaitwa naʋarwi. Ɀino pamucinjikwa waJesu pakaŋga pamire mai ʋake, nomunuŋuna wamai ʋake, Maria, mukadzi waKropasi, naMaria Magdarene.