Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 15:1-7

Johane 15:1-7 SUB1949

Ndini muzambiriŋga waɀokwaɗi, Ƃaɓa ʋaŋgu murimi. Ƌaʋi rimŋe nerimŋe riri mandiri, risiŋgaɓereki ɀiɓereko, ʋanoribvisa; rimŋe nerimŋe, rinoɓereka ɀiɓereko, ʋanorinatsa, kuti riwedzere ɀiɓereko. Imi matonatswa neshoko randakareʋa kwamuri. Garai mandiri, neni mamuri. Seɗaʋi risiŋgagoni kuɓereka ɀiɓereko roga, kana risiŋgagari mumuzambiriŋga; saiɀoɀo nemi ʋo, kana musiŋgagari mandiri. Ini ndiri muzambiriŋga, imi muri mataʋi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unoɓereka ɀiɓereko ɀakawanda; nokuti kunze kwaŋgu hamugoni kuita cinhu. Kana munhu asiŋgagari mandiri, unorashwa kunze seɗaʋi, ndokuwoma; ʋanoaʋuŋganidza, ndokuakandira mumŋoto, atȿe. Kana mucigara mandiri, namashoko aŋgu acigara mamuri, kumbirai ɀamunoɗa, mucaɀiitirwa.

Verenga chikamu Johane 15