Kana mucindiɗa, mucaceŋgeta mirairo yaŋgu. Neni ndicakumbira Ƃaɓa, ʋacakupai mumŋe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusiŋgaperi; ndiye Mŋeya waɀokwaɗi; nyika haigoni kumugamucira, nokuti haimuʋoni, kana kumuziʋa; imi munomuziʋa, nokuti ugere nemi, ucaʋa mukati menyu. Handiŋgakusiyi muri nherera; ndinoʋuya kwamuri. Kucineŋguʋa ɗuku, nyika haicazondiʋoni; asi imi munondiʋona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemi ʋo mucaʋa ʋapenyu. Nezuʋa iro mucandiziʋa, kuti ndiri munaƂaɓa, nemi mandiri, neni mamuri. Unemirairo yaŋgu, akaiceŋgeta, ndiye unondiɗa; unondiɗa ucaɗikanwa naƂaɓa ʋaŋgu; neni ndicamuɗa ʋo, ndicaɀiratidza kwaari. Judasi (usati ari iye Iskarioti) akati kwaari: Ishe, ndokuɗiniko kuti mucaɀiratidza kwatiri, musiŋgaɀiratidzi kunyika? Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu acindiɗa, ucaceŋgeta shoko raŋgu; naƂaɓa ʋaŋgu ʋacamuɗa, ticaʋuya kwaari, tikaita ʋugaro bgeɗu maari.
Verenga chikamu Johane 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johane 14:15-23
3 Mazuva
Heano mashoko anopa kunyaradzwa kunopenya nechiedza munzira dzevatendi vose. Jesu anovimbisa nezve kugadzirwa kwenzvimbo dzekugara, nekududzira kuti iye ndiye nzira, chokwadi neupenyu, nekuvimbisa Mweya Mutsvene uyo unopa kuzorodza nekutungamirirwa. Pamusoro pazvo, kudzidzisa kwake pakutendeka sechiratidzo cherudo kunotsanagura ukama hwedu naMwari.
2 Weeks
Jesus Himself said anyone who loves Him will obey His teaching. No matter what it costs us personally, our obedience matters to God. The "Obedience" reading plan walks through what the Scriptures say about obedience: How to maintain a mindset of integrity, the role of mercy, how obeying frees us and blesses our lives, and more.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo