Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 14:15-23

Johane 14:15-23 SUB1949

Kana mucindiɗa, mucaceŋgeta mirairo yaŋgu. Neni ndicakumbira Ƃaɓa, ʋacakupai mumŋe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusiŋgaperi; ndiye Mŋeya waɀokwaɗi; nyika haigoni kumugamucira, nokuti haimuʋoni, kana kumuziʋa; imi munomuziʋa, nokuti ugere nemi, ucaʋa mukati menyu. Handiŋgakusiyi muri nherera; ndinoʋuya kwamuri. Kucineŋguʋa ɗuku, nyika haicazondiʋoni; asi imi munondiʋona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemi ʋo mucaʋa ʋapenyu. Nezuʋa iro mucandiziʋa, kuti ndiri munaƂaɓa, nemi mandiri, neni mamuri. Unemirairo yaŋgu, akaiceŋgeta, ndiye unondiɗa; unondiɗa ucaɗikanwa naƂaɓa ʋaŋgu; neni ndicamuɗa ʋo, ndicaɀiratidza kwaari. Judasi (usati ari iye Iskarioti) akati kwaari: Ishe, ndokuɗiniko kuti mucaɀiratidza kwatiri, musiŋgaɀiratidzi kunyika? Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu acindiɗa, ucaceŋgeta shoko raŋgu; naƂaɓa ʋaŋgu ʋacamuɗa, ticaʋuya kwaari, tikaita ʋugaro bgeɗu maari.

Verenga chikamu Johane 14