Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 1:19-34

Johane 1:19-34 SUB1949

Uku ndiko kupupura kwaJohane, musi ʋaJuda ʋakatumira kwaari ʋaprista naʋaRevi, ʋacibva Jerusarema, kundomubvunza, kuti: Iwe ndiwe aniko? Akatenda pacena, haana‐kuramba, akatenda pacena, aciti: Handizi Kristu. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Asi kuɗiniko? Ndiwe Eria here? Akati: Handizi iye. Ko uri uya muprofita here? Akapindura, akati: Kwete. Ɀino ʋakati kwaari: Ndiwe aniko? Tigondopindura ʋakatituma. Unoɀiti aniko? Akati: Ndini inzwi rounoɗana murenje, riciti: Ruramisai nzira yaShe; seɀakarebga nomuprofita Isaya. Aʋa ʋakaŋga ʋatumŋa ʋaiʋa ʋaʋaFarise. Ʋakamubvunza, ʋakati kwaari: Kana usi Kristu, kana Eria, kana muprofita uya, unogobapatidzireiko? Johane akapindura, akati: Ini ndinobapatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumŋe wamusiŋgaziʋi; ndiye unoʋuya shure kwaŋgu, wandisina‐kufanira kuti ndisunuŋgure rukanda rweshaŋgu yake. Iɀoɀi ɀakaitwa paBetania, mhiri kwaJoridani, kwaibapatidza Johane. Aʋa maŋgwana wakaʋona Jesu aciʋuya kwaari, akati: Tarirai, Gwaiana raMŋari, rinobvisa ɀiʋi ɀenyika. Ndiye wandaireʋa, ndiciti: Shure kwaŋgu kunoʋuya murume, wakaʋa’po mberi kwaŋgu, nokuti wakanditaŋgira. Neni ndakaŋga ndisiŋgamuziʋi; asi ndiɀo ɀandakaʋuyira, ndicibapatidza nemvura, kuti aʋoneswe kuʋaIsraeri. Johane akapupura, akati: Ndakaʋona Mŋeya aciɓuruka kuɗeŋga senjiʋa, akagara pamsoro pake. Neni ndakaŋga ndisiŋgamuziʋi; asi wakandituma kubapatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoʋona Mŋeya aciɓuruka pamsoro pake, akagara pamsoro pake, ndiye unobapatidza noMŋeya Mutȿene. Ini ndikaʋona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mŋanakomana waMŋari.

Verenga chikamu Johane 1