Jeremia 5
5
Jehova unotuka ʋanhu ʋake ʋakamurasha.
1Mhanyai kwose‐kwose panzira dzomuguta reJerusarema, muʋone ɀino, muziʋe, mutȿake pamigwagwa mikuru yaro, kana muŋgawana munhu, kana ari’po, unoita ɀakarurama, unotȿaka ɀokwaɗi; ipapo ndicarikaŋganwira. 2Kunyaŋge ʋaciti haʋo: NaJehova mupenyu, ɀirokwaɀo ʋanopika nhema. 3Haiwa Jehova, meso enyu haazinotȿaka ɀokwaɗi here? Makaʋaroʋa, asi haʋana‐kunzwa kurwadziwa; makaʋapedza, asi ʋakaramba kurairwa; ʋakawomesa ɀiso ɀaʋo kupfuʋura ɗombo, ʋakaramba kudzoka. 4Ipapo ndikati: Ɀirokwaɀo, aʋa ʋarombo, mapenzi, nokuti haʋaziʋi nzira yaJehova, kana murairo waMŋari waʋo. 5Ndicaenda kuʋakuru, ndicataura naʋo; nokuti iʋo ʋanoziʋa nzira yaJehova, nomurairo waMŋari waʋo. Asi aʋa ʋose pamŋe cete ʋakaputsa joko, ʋakaɗambura ɀisuŋgo. 6Saka shumba inobva kuɗondo, icaʋaʋuraya, ɓere rokumarenje ricaʋaparadza, iŋgwe icaʋandira maguta aʋo, mumŋe nomumŋe, unoɓuɗa’mo, ucabvamburwa; nokuti kuɗarika kwaʋo kuzhinji, nokudzokera kwaʋo kwawedzerwa. 7Ndiŋgakukaŋganwira seiko? Ʋana ʋako ʋakandirasha, ʋakapika naʋasati ʋari ʋamŋari. Ŋguʋa yandakaʋagutsa kwaɀo, ʋakapombora, ʋakaʋuŋganira padzimba dzeɀifeʋe ʋaciita mapoka. 8Ʋakaŋga ʋakaita samabiza akagutswa, anoŋgoɀifambira; mumŋe nomumŋe wakaɗana mukadzi wowokwake. 9Ko handiŋgaroʋi pamsoro peɀinhu iɀi here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova; Ko mŋeya waŋgu hauŋgaɀitsiʋiri parudzi rwakaɗai here?
10Kwirai pamaȿiŋgo aro, muparadze; asi musapedza cose; bvisai mataʋi aro, nokuti haazi aJehova. 11Nokuti imba yaIsraeri neimba yaJuda ʋakaita nokunyeŋgera kukuru kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 12Ʋakaramba Jehova, ʋakati: Haazi iye; hakunecakaipa ciŋgatiwira, hatiŋgaʋoni munondo kana nzara; 13ʋaprofita ʋacashanduka mhepo, shoko raJehova harizi maʋari; ŋgaʋaitirwe saiɀoɀo. 14Naiɀoɀo ɀanzi naJehova, Mŋari wehondo: Ɀamunotaura shoko iri, tarirai, ndicaita mashoko aŋgu aʋe mŋoto mumiromo yenyu, naʋanhu aʋa ʋaʋe huni, ʋapedzwe nawo. 15Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaʋuyisa pamsoro penyu rudzi runobva kure, imi imba yaIsraeri; rudzi runesimba, rudzi rwakare‐kare, rudzi rwamusiŋgaziʋi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa ɀaʋanotaura. 16Goɓa raʋo bgiro bgakashama, ʋose ʋanhu ʋanesimba. 17Ʋacadya ɀamakakohwa neɀokudya ɀenyu ɀaifanira kudyiwa naʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu; ʋacadya makwai enyu neŋombe dzenyu; ʋacadya mizambiriŋga yenyu nemiʋonde yenyu; ʋacaputsira pasi neminondo maguta enyu akakomberedzwa, amaiʋimba nawo. 18Asi ɀanzi naJehova: Kunyaŋge napamazuʋa iwayo handiŋgakupedziyi cose. 19Ɀino kana muciŋge moti: Ko Jehova Mŋari weɗu wakatiitirei iɀeɀi ɀose? Ipapo uti kwaʋari: Seɀamakandirasha ini, mukashumira ʋamŋe ʋamŋari panyika yenyu, saiɀoɀo mucashumira ʋatorwa panyika isati iri yenyu.
20Taurai iɀoɀi paimba yaJakobo, muɀiparidzire paJuda, muciti: 21Ɀino cinzwai iɀoɀi, imi ʋanhu mapenzi, musinenjere; munameso, asi hamuʋoni, munenzeʋe, asi hamunzwi: 22Ɀanzi naJehova: Hamundityi here? Hamuɗeɗeri pamberi paŋgu here, ini ndakaisa jeca riʋe muganho weguŋgwa, ndikatema cireʋo cisiŋgaperi kuti rirege kuudarika? Ɀino kunyaŋge mafuŋgu aro acipeŋga, haaŋgakundi, kunyaŋge akaʋirima, haaŋgaɗariki. 23Asi ʋanhu aʋa ʋanomŋoyo wakasindimara unoramba kunzwa; ʋakatsauka, ndokuenda. 24Haʋati mumŋoyo yaʋo: Ɀino ŋgatitye Jehova Mŋari weɗu, unotipa paŋguʋa yaɀo mvura yokutaŋga neyokupedzisira, iye unoticeŋgetera maviki akatarwa okukohwa. 25Ɀakaipa ɀenyu ɀakatsausa iɀoɀi, kutadza kwenyu kwakadziʋisa kuti ɀinhu ɀakanaka ɀirege kuʋuya kwamuri. 26Nokuti ʋanhu ʋakaipa ʋari’po pakati paʋanhu ʋaŋgu; ʋanorindira, saʋanogarira shiri; ʋanoteya misuŋgo, ʋanoɓata ʋanhu. 27Seɗendere, rizere neshiri, saiɀoɀo dzimba dzaʋo dzizere nokunyeŋgera; nemhaka iyo ʋakura, ʋafuma. 28Ʋakora, ʋanobginya; ɀirokwaɀo ʋanokurira ʋamŋe namaɓasa akaipa; haʋatambi mhaka, iyo mhaka yenherera, kuti ʋagare ɀakanaka; haʋaruramisiri ʋanoshaiwa. 29Ko handiŋgaroʋi pamsoro peɀinhu iɀi here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ko mŋeya waŋgu hauŋgaɀitsiʋiri parudzi rwakaɗai here?
30Cinhu cinoshamisa cinosemesa cakaitwa panyika ino; 31ʋaprofita ʋanoprofita nhema, naʋaprista ʋanoɓata ʋushe ʋacirairwa naʋo; asi ʋanhu ʋaŋgu ʋanofarira iɀoɀo; ɀino pakupedzisira kwaɀo mucaiteiko?
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018