Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: Ndakakuziʋa ndisati ndakuʋumba muɗumbu ramai, ndakakuita mutȿene usati waɓuɗa muciɀaro camai; ndakakugadza kuti uʋe muprofita wamarudzi aʋanhu. Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Mŋari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mŋanana haŋgu. Asi Jehova wakati kwandiri: Usati ndiri mŋanana; nokuti kunaaninani wandineŋge ndicikutuma, unofanira kuenda, necinhu cipi necipi candineŋge ndicikuraira, unofanira kucitaura. Usatya nokuɗa kwaʋo, nokuti ɀanzi naJehova: Ini ndinewe, kuti ndikurwire. Ipapo Jehova akatambanudza ruʋoko rwake, akaɓata muromo waŋgu; Jehova akati kwandiri: Tarira, ndaisa mashoko aŋgu mumuromo mako. Tarira, ndakugadza zuʋa ranhasi uʋe nesimba pamsoro pamarudzi noʋushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuʋaka nokurima.
Verenga chikamu Jeremia 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremia 1:4-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo