Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 48:17-22

Isaya 48:17-22 SUB1949

Ɀanzi naJehova, Mudzikinuri wako, Mutȿene waIsraeri: Ndini Jehova Mŋari wako, unokudzidzisa ɀinokuɓatsira, unokutuŋgamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! ɗai wakaterera hako mirairo yaŋgu! Rugare rwako ruŋgaɗai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafuŋgu eguŋgwa! Ʋana ʋako ʋaiʋa sejeca, neɀiɓereko ɀomuʋiri wako setsaŋga dzaro; zita rake harizaibviswa kana kuparadzwa pamberi paŋgu. Ibvai paBabironi, tizai ʋaKardea; paridzai nenzwi rokuimba, muziʋise iɀi, muɀireʋe kuȿikira kumigumo yenyika; muti: Jehova wakadzikinura muranda wake Jakobo. Haʋana‐kunzwa nyota ŋguʋa yaakaʋafambisa mumarenje; wakaʋayereresa mvura icibva paɗombo, wakatsemura ʋo ɗombo, mvura zhinji ikadzutuka. Ɀanzi naJehova: Ʋakaipa haʋanorugare.

Verenga chikamu Isaya 48