Hosea 8
8
Kuparadzwa kwaIsraeri kwaʋa pedyo.
1 Isa hwamanda pamuromo wako. Ɀinoʋuya segondo kuzorwa neimba yaJehova, nokuti ʋakaɗarika suŋgano yaŋgu nokutadzira murairo waŋgu. 2Ʋacaɗana kwandiri, ʋaciti: Mŋari waŋgu, isu ʋaIsraeri tinokuziʋai. 3Israeri ʋakarasha ɀakanaka; muʋeŋgi waʋo ucaʋateʋerera. 4Ʋakagadza madzimambo, asi haʋana‐kurairwa neni; ʋakaɀitsaurira macinda, ini ndisiŋgaɀiziʋi; ʋakaɀiitira ɀifananidzo nesirveri ʋuye nendarama yaʋo, kuti ɀiparadzwe. 5Mhuru yako, iwe Samaria, inonyaŋgadza; kutsamŋa kwaŋgu kwakaʋamukira; ʋacanonoka kuȿikira riniko kuʋa ʋakanaka? 6Nokuti cinhu ici cakabva ʋo kuʋaIsraeri; mupfuri wakaciita, hacizi Mŋari; ɀirokwaɀo, mhuru yeSamaria icaputswa‐putswa. 7Nokuti ʋanodɀara mhepo, ʋacaceka campupuri; haʋaneɀiyo pamunda; cipande haciŋgaʋigiri ʋupfu; kunyaŋge cikaɓereka, ɀicamedzwa naʋatorwa. 8Israeri ʋakamedzwa; ɀino ʋaʋa pakati pamarudzi somudziyo usiŋgaɗikanwi nomunhu. 9Nokuti ʋakaenda Asiria, sembizi inoŋgoɀifambira iri yoga; ʋaEfraimi ʋakaɀitȿakira shamŋari ʋacidziripira. 10Ɀirokwaɀo, kunyaŋge ʋaciɀitȿakira idzo pakati pamarudzi, ndicaʋaʋuŋganidza ɀino, ʋotaŋga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamacinda. 11Efraimi ɀaakawanza maartari okutadza nawo, maartari ake akamutadzisa. 12Ndakamunyorera mashoko aneɀuru ɀinegumi omurairo waŋgu, asi ʋanoti ndeɀaʋatorwa. 13Kana ɀiri ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀaŋgu, ʋanoɓayira nyama ndokuidya; asi Jehova haana‐kuɀigamucira; ɀino ucaraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo, nokuʋaroʋa pamsoro peɀiʋi ɀaʋo; ʋacadzokera Egipita. 14Nokuti Israeri ʋakakaŋganwa Muiti waʋo, ʋakaʋaka dzimba dzoʋushe; Juda ʋakawanza maguta akakomberedzwa namaȿiŋgo; asi ini ndicatuma mŋoto kumaguta aʋo, ucapedza dzimba dzoʋushe dzawo.
Zvasarudzwa nguva ino
Hosea 8: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018