Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 2:2-13

Hosea 2:2-13 SUB1949

Kakaʋarai namai ʋenyu, kakaʋarai; nokuti haazi mukadzi waŋgu, neni handizi murume wake; ŋgaabvise kufeʋa kwake paciso cake, nokupata kwake pakati pamazamu ake; kuti ndirege kumukumurira ŋguʋo dzake dzose, ndimuite seɀaakaŋga akaita nezuʋa rokuɀarwa kwake, ndimuite serenje, ndimushandure aʋe nyika yakawoma, ndimuʋuraye nenyota. Ɀirokwaɀo handiŋganzwiri ʋana ʋake nyasha, ɀaʋari ʋana ʋoʋufeʋe; nokuti mai ʋaʋo ʋakafeʋa; wakaʋaɓereka wakaita ɀinonyadzisa, nokuti wakati: Ndicateʋera ʋaɗikani ʋaŋgu, ʋanondipa ɀokudya ɀaŋgu nemvura yaŋgu, namakushe aŋgu necinda yaŋgu, namafuta aŋgu neɀokunwa ɀaŋgu. Naiɀoɀo tarira, ndicasosera nzira yako neminzwa, ndicamuʋakira ruȿiŋgo, kuti arege kuwana nzira dzake. Ucateʋera ʋaɗikani ʋake, asi haaŋgaʋaɓati; ucaʋatȿaka, asi haaŋgaʋawani; ipapo ucati: Ndicadzokera kumurume waŋgu wokutaŋga, nokuti neŋguʋa iyo ndaifara kupfuʋura ɀino. Nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi kuti ndini ndaimupa ɀiyo, newaini itȿa, namafuta, nokumuwanzira sirveri nendarama, ɀaʋaiɓatira Baari naɀo. Saka ndicamutorera ɀiyo ɀaŋgu neŋguʋa yaɀo, newaini yaŋgu itȿa nenhambo yaɀo, ndicabvisa makushe aŋgu necinda yaŋgu ɀaifanira kufukidza kushama kwake. Ɀino ndicafukura kunyadzisa kwake pamberi paʋaɗikani ʋake, hakuna‐uŋgamurwira paruʋoko rwaŋgu. Ndicagumisa ʋo mufaro wake wose, nemitambo yake, neŋguʋa dzake dzokugara kwomŋedzi, namasaɓata ake, neʋuŋgano dzake dzose dzakatarwa. Ndicaparadza mizambiriŋga yake nemiʋonde yake, yaaiti: Ndiwo muɓairo waŋgu wandakapiwa naʋaɗikani ʋaŋgu; ndicaɀiita ɗondo, mhuka dzokusaŋgo dzicaɀidya. Ndicamuraŋga nokuɗa kwamazuʋa aʋaBaari, ʋaaipisira ɀinonhuwira, acishoŋga ɀindori ɀake ɀenzeʋe neɀishoŋgo ɀake, akateʋera ʋaɗikani ʋake, akandikaŋganwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

Verenga chikamu Hosea 2