Nokutenda Aberi wakaɓayira Mŋari ciɓayiro cakanaka kunecaKaini; akapupurirwa naco kuti wakaŋga akarurama, Mŋari acipupurira ɀipo ɀake; naiko kutenda iye, kunyaŋge afa hake, ucaŋgotaura naɀino. Nokutenda Enoki wakatorwa, kuti arege kuʋona rufu; akasaʋonekwa, nokuti Mŋari wakaŋga amutora; nokuti asati atorwa wakapupurirwa kuti wakaŋga acifadza Mŋari. Kana kusina‐kutenda haɀibviri kumufadza; nokuti unoʋuya kunaMŋari, unofanira kutenda kuti iye uri’po, ʋuye kuti unopa ʋanomutȿaka muɓairo waʋo. Nokutenda Noa wakati anyeʋerwa pamsoro peɀinhu ɀicigere kuʋonekwa, akagadzira areka nokutya Mŋari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhoȿa naɀo, akagara nhaka yokururama kunoʋuya nokutenda. Nokutenda Abrahama, wakati aɗanwa, akaterera, akaɓuɗa, akaenda kunɀimbo yaakanzi ucaipiwa iʋe nhaka yake; akaɓuɗa akaenda, asiŋgaziʋi kwaanoenda. Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yecipikirwa, sapanyika yaʋamŋe, akagara mumatente naIsaka naJakobo, ʋadyi ʋenhaka yecipikirwa cimŋe pamŋe cete naye; nokuti wakaŋga acitarira guta rinenheyo, Mŋari ari mhizha nomuʋaki waro. Nokutenda naiye Sara wakapiwa simba rokutora mimba, kunyaŋge akaŋga acembera, nokuti wakati iye wakamupikira wakatendeka. Saka kumunhu mumŋe, wakaŋga akaita sowafa, kwakabva ʋana ʋakaita senyeredzi dzokuɗeŋga nokuwanda kwaʋo, ʋuye sejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa risiŋgaʋereŋgwi.
Verenga chikamu ƲaHeberu 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaHeberu 11:4-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo