Hagai 1
1
Muprofita unoraira ʋanhu kuti ʋaʋake tembere.
1Negore recipiri ramambo Dariusi, nomŋedzi wecitanhatu, pazuʋa rokutaŋga romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika nomuprofita Hagai kunaZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, muɓati waJuda, nokunaJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, riciti: 2Jehova wehondo unotaura, aciti: Ʋanhu aʋa ʋanoti: Ŋguʋa icigere kuȿika, iyo ŋguʋa yokuʋakwa kweimba yaJehova. 3Ipapo shoko raJehova rakaȿika nomuprofita Hagai, riciti: 4Ko ɀino iŋguʋa yamuŋgagara imi mudzimba dzenyu dzakashoŋgedzwa namatanda, imba ino riri ɗoŋgo here? 5Ɀino ɀanzi naJehova wehondo: Cerekedzai ɀamakaita. 6Makakusha ɀizhinji, asi makaceka ɀishoma; munodya, asi hamuguti; munonwa, asi hamuguŋgwi; munofuka, asi hakunaunodziyirwa; unoɓatira muɓairo unoɓatira kuti aɀiceŋgete muhomboɗo yakabvoʋoka. 7Ɀanzi naJehova wehondo: Cerekedzai ɀamakaita. 8Kwirai mugomo, muʋuye namatanda, muʋake imba iyi; ini ndicaifarira, ʋuye ini ndicakudzwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 9Makafuŋga kuwana ɀizhinji, tarirai, ɀakaŋgoita ɀishoma; makati maɀiisa kumusha, ini ndikafuridzira pamsoro paɀo. Nemhaka yeiko? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Nemhaka yeimba yaŋgu riri ɗoŋgo, mumŋe nomumŋe wenyu acimhanyira kumba kwake. 10Saka ɗeŋga rakaramba nedoʋa nemhaka yenyu, nenyika inoramba neɀiɓereko ɀayo. 11Ndakaɗana kuwoma kuʋuye panyika, napamakomo, napaɀiyo, napawaini itȿa, napamafuta, napaneɀinoɓerekwa nevu, napaʋanhu, napaɀipfuwo, napamaɓasa ose amaʋoko aʋanhu.
12Ipapo Zerubaberi mŋanakomana waSheartieri, naJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara, ʋakateerera inzwi raJehova Mŋari waʋo, namashoko omuprofita Hagai, seɀaakaŋga atumŋa naJehova Mŋari waʋo; ʋanhu ʋakatya pamberi paJehova. 13Ipapo Hagai, nhume yaJehova, wakataura naʋanhu seɀaakarairwa neshoko rakatumŋa naJehova, akati: Ndinemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 14Jehova akamutsa mŋeya waZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, muɓati waJuda, nomŋeya waJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, nomŋeya waʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara, ʋakaʋuya ʋakaɓata paimba yaJehova wehondo, Mŋari waʋo, 15nezuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi wecitanhatu, negore recipiri ramambo Dariusi.
Zvasarudzwa nguva ino
Hagai 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018