Genesi 47
47
Jakobo unokwazisana naFarao.
1Ɀino Josefa akaenda, akandoʋudza Farao, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu naʋana ʋaɓaɓa ʋaŋgu ʋaȿika, ʋacibva kunyika yeKanani, ʋanamakwai aʋo, neŋombe dzaʋo, neɀose ɀaʋanaɀo; ɀino, tarirai ʋari munyika yeGosheni. 2Akatora ʋarume ʋashanu kuʋana ʋaɓaɓa ʋake, akaʋaisa pamberi paFarao. 3Farao akati kuʋakoma ʋake: Ƃasa renyu ndereiko — Ʋakati kunaFarao: Ʋaranda ʋenyu ʋafudzi, isu namadziɓaɓa eɗu tose 4Ʋakati kunaFarao: Taʋuya kuzogara tiri ʋatorwa munyika ino; nokuti hakunamafuro amakwai aʋaranda ʋenyu, nokuti kunenzara kunyika yeKanani; ɀino tinokumbira kuti ʋaranda ʋenyu ʋagare munyika yeGosheni 5Ipapo Farao akataura naJosefa, akati: Ƃaba ʋako naʋana ʋaɓaɓa ʋako ʋaʋuya kwauri; 6nyika yeEgipita iri pamberi pako; ɓaɓa ʋako naʋana ʋaɓaɓa ʋako ŋgaʋagare panɀimbo yakaiȿo‐naka ʋanyika ino, ŋgaʋagare panyika yeGosheni; kana uciziʋa kuti pakati paʋo panaʋarume ʋakaŋgwara, uʋaite ʋatariri ʋeŋombe dzaŋgu. 7Josefa akapinda naJakobo, ɓaɓa ʋake, akaʋaisa pamberi paFarao; Jakobo akaropafadza Farao. 8Farao akati kunaJakobo: Maŋganiko mazuʋa amakore oʋupenyu bgenyu? 9Jakobo akati kunaFarao: Mazuʋa amakore oʋutorwa bgaŋgu makore anezana namakumi matatu; mazuʋa amakore oʋupenyu bgaŋgu akaŋga ari mashoma hawo, akaipa, haana‐kuȿikira pamazuʋa amakore oʋupenyu bgamadziɓaɓa aŋgu pamazuʋa oʋutorwa bgaʋo. 10Jakobo akaropafadza Farao, akaɓuɗa pamberi paFarao. 11Ɀino Josefa akapa ɓaɓa ʋake naʋana ʋaɓaɓa ʋake pokugara, akaʋapa nɀimbo panyika yeEgipita, kuti iʋe yaʋo, pakaiȿo‐naka panyika iyo, panyika yeRamesesi, seɀaakarairwa naFarao. 12Josefa akaceŋgeta ɓaɓa ʋake, naʋana ʋaɓaɓa ʋake, naʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋake, akaʋapa ɀokudya aciʋereŋga naʋana ʋaʋo ʋo.
Josefa unoteŋgera Farao nyika yose neɀokudya.
13Ɀino pakaŋga pasineɀokudya panyika yose, nokuti nzara yakaŋga iri huru, nyika yeEgipita nenyika yeKanani dzikaziya nenzara. 14Josefa akaʋuŋganidza mari yose yakaŋga iri panyika yeEgipita, napanyika yeKanani, yaʋakateŋga ɀiyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao 15Mari yose yakati yapera munyika yeEgipita, napanyika yeKanani, ʋaEgipita ʋose ʋakaʋuya kunaJosefa, ʋakati: Tipei ɀokudya, nokuti tiŋgafa seiko pamberi penyu — Nokuti mari yapera. 16Josefa akati: Ʋuyai neŋombe dzenyu, ndikupei ɀokudya pamsoro peɀipfuwo ɀenyu, kana mari yapera. 17Ɀino ʋakaʋuya kunaJosefa neɀipfuwo ɀaʋo; Josefa akaʋapa ɀokudya, ʋacitsinhanha namabiza, namakwai, neŋombe, nemboŋgoro; akaʋararamisa neɀokudya, ʋacitsinhanha neɀipfuwo ɀaʋo ɀose gore irero. 18Gore iro rakati rapera, ʋakaʋuya kwaari negore recipiri, ʋakati kwaari: Hatiŋgaʋanziri ishe weɗu kuti mari yeɗu yose yapera, mapoka eɀipfuwo aʋa ashe weɗu; hakucina‐cakasara pamberi pashe weɗu, asi miʋiri yeɗu neminda yeɗu; 19ɀino tiŋgafa seiko pamberi penyu, isu nenyika yeɗu — Titeŋgei henyu, isu nenyika yeɗu, mutipei ɀokudya, isu nenyika yedu, tiʋe ʋaranda ʋaFarao; tipei ʋo mbeu, tirarame, tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite saŋgo. 20Ɀino Josefa akateŋgera Farao nyika yose yeEgipita, nokuti ʋaEgipita ʋakateŋgesa mumŋe nomumŋe munda wake, nokuti nzara yakaŋga iri huru pamsoro paʋo, nyika ikaʋa yaFarao. 21Kana ʋari ʋanhu wakaʋatamisa kumaguta, kubva kumuganhu mumŋe weEgipita kuȿikira kunomumŋe muganhu wayo. 22Asi nyika yaʋaprista yoga haana‐kuiteŋga, nokuti ʋaprista ʋakaŋga ʋaganhurirwa mugoʋe waʋo naFarao; ʋaidya mugoʋe waʋo waʋaipiwa naFarao: naiɀoɀo haʋana‐kuteŋgesa nyika yaʋo. 23Ɀino Josefa akati kuʋanhu: Tarirai, ndakateŋgera Farao imi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudɀare panyika. 24Neŋguʋa yokukohwa munofanira kupa Farao ceshanu, ɀinna ɀicaʋa ɀenyu, ɀiʋe mbeu dzeminda, neɀokudya ɀenyu, neɀaʋari mudzimba dzenyu, neɀokudya ɀepxere dzenyu. 25Iʋo ʋakati: Ndimi makaticeŋgeta; ŋgatiwane heɗu nyasha panashe weɗu, tiʋe ʋaranda ʋaFarao. 26Josefa akatema mutemo panyika yeEgipita, uri’po nanhasi, kuti Farao apiwe ceshanu; asi nyika yaʋaprista yoga haina‐kuʋa yaFarao. 27Ɀino ʋaIsraeri ʋakagara panyika yeEgipita, panyika yeGosheni, ʋakaɀiwanira fuma’mo, ʋakaɓereka ʋana, ʋakawanda kwaɀo.
Mazuʋa okupedzisira aJakobo.
28Jakobo akagara panyika yeEgipita makore anegumi namanomŋe; naiɀoɀo mazuʋa aJakobo, makore oʋupenyu bgake, akaŋga ari makore anezana namakumi manna namanomŋe. 29Ɀino ŋguʋa yokufa kwaIsraeri yakaŋga yasweɗera, iye akaɗana mŋanakomana wake Josefa, akati kwaari: Kana ndawana nyasha kwauri, ciisa hako ruʋoko rwako pasi pecidɀa caŋgu, undiitire ŋgoni neɀokwaɗi; rega hako kundiʋiga paEgipita; 30asi kana ndaʋata namadziɓaɓa aŋgu, undibvise paEgipita, undondiʋiga mubgiro bgaʋo. Iye akati: Ndicaita seɀamataura. 31Ʋakati: Ndipikire; iye akaʋapikira. Ipapo Israeri akakotamira pamusoro woʋuʋato bgake.
Zvasarudzwa nguva ino
Genesi 47: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018