Josefa akati kwaʋari nezuʋa retatu: Itai cinhu ici, mupone; ini ndinotya Mŋari; kana muri ʋanhu ʋakatendeka, mumŋe waʋanuŋuna ʋenyu ŋgaagare akasuŋgwa mutoroŋgo yenyu; asi imi endai makatakura ɀiyo kundopa mhuri dzenyu dzinenzara. Mugoʋuya nomunuŋuna wenyu worugotwe kwandiri; naiɀoɀo mashoko enyu acasimbiswa, murege kufa. Ʋakaita saiɀoɀo. Ʋakataurirana ʋaciti: Ɀirokwaɀo tinemhoȿa nokuɗa kwomunuŋuna weɗu, nokuti takaʋona kutambudzika kwomŋeya wake musi uya waakatinyeŋgetera, tikaramba kumuterera; naiɀoɀo tawirwa nokutambudzika uku. Ipapo Rubeni akapindura, akati: Handina‐kukuʋudzai here, ndiciti: Regai kutadzira mŋana, mukaramba kunditerera — Naiɀoɀo tarirai, ropa rake rotȿakwa. Ɀino ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kuti Josefa unonzwisisa, nokuti kwaŋga kunomupinduri pakati paʋo. Ipapo Josefa akabva kwaʋari, akacema; akadzokera ɀe kwaʋari, akataura naʋo, akatora Simeoni pakati paʋo, akamusuŋga ʋaciɀiʋona. Josefa akaraira kuti midziyo yaʋo izadzwe neɀiyo, ʋuye kuti mumŋe nomumŋe adzoserwe mari yake muhomo yake, ʋuye kuti ʋapiwe ʋo mbuʋa yokufamba nayo; ʋakaitirwa saiɀoɀo. Ipapo ʋakatakudza mboŋgoro dzaʋo ɀiyo ɀaʋo, ʋakaenda. Ɀino mumŋe waʋo wakati acisunuŋgura homo yake, kuti ape mboŋgoro yake ɀokudya paʋakaʋata ʋusiku, akawana mari yake; heyo yakaŋga iri mumuromo wehomo yake. Akati kuhama dzake: Mari yaŋgu yadzoswa; heyi iri muhomo yaŋgu; ipapo ʋakaʋora mŋoyo, ʋakatarirana, ʋacibvunda, ʋakati: Cinyiko ici cataitirwa naMŋari? Ʋakaȿika kunaɓaɓa ʋaʋo panyika yeKanani, ʋakaʋaʋudza ɀose ɀakaŋga ɀaʋawira; ʋakati: Murume uya, ishe wenyika iyo, wakataura nesu nehasha, akati, tiri ʋashori ʋenyika. Tikati kwaari: Tiri ʋanhu ʋakatendeka, hatizi ʋashori; tiri ʋanakomana ʋanegumi naʋaʋiri ʋomunhu mumŋe cete, ʋanakomana ʋaɓaɓa ʋeɗu; mumŋe haaci’po, worugotwe uri kunaɓaɓa ʋeɗu nhasi panyika yeKanani. Ɀino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri: Heci cinhu candicaziʋa naco kana muri ʋanhu ʋakatendeka; Siyai mumŋe wenyu kwandiri, mutore ɀiyo, mundopa mhuri dzenyu dzinenzara, muende. Mugoʋuya ɀe kwandiri nomunuŋuna wenyu worugotwe; ipapo ndicaziʋa kuti hamuzi ʋashori, asi kuti muri ʋanhu ʋakatendeka: ipapo ndicakupai munuŋuna wenyu, mugoteŋga panyika ino. Ɀino ʋakati ʋaciɗurura homo dzaʋo, tarira ciputu cemari yomumŋe nomumŋe cakaŋga ciri muhomo yake; ʋakati ʋaciʋona ɀiputu ɀemari yaʋo, ʋakatya iʋo naɓaɓa ʋaʋo. Ɀino Jakobo akati kwaʋari: Manditorera ʋana; Josefa haaci’po, naSimeoni haaci’po, ɀino moɗo‐kutora naBenjamini ʋo; ɀinhu ɀose iɀi ɀandiwira. Ipapo Rubeni akataura naɓaɓa ʋake, akati: Muŋgaʋuraya henyu ʋanakomana ʋaŋgu ʋaʋiri, kana ndisiŋgadzoki naye kwamuri; cimuisai henyu mumaʋoko aŋgu, ini ndicaʋuya naye ɀe kwamuri. Ʋakati: Mŋanakomana waŋgu haaŋgaɓuruki nemi, nokuti mukoma wake wafa, iye wasiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, mucaɓurusira vudzi raŋgu jena kubgiro nokucema.