Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 41:17-57

Genesi 41:17-57 SUB1949

Farao akarondedzera kunaJosefa, akati: Pakurota kwaŋgu ndakaɀiʋona ndimire pamhenderekedzo yorwizi; ndikaʋona murwizi muciɓuɗa mhou nomŋe, dzakaŋga dzakakora, dzakanaka; dzikafura pakati penhokwe; ndikaʋona ɀe dzimŋe mhou nomŋe dzicikwira shure kwadzo dzinenzara, dzakaipa kwaɀo, dzakawonda, handina‐kumboʋona dzakaipa dzakaɗai panyika yose yeEgipita. Ɀino mhou idzo dzakawonda, dzakaipa, dzikadya mhou dziya dzakakora dzokutaŋga; dzakat dzadzidya, hadzina‐kutoŋgozikanwa kuti dzadzidya; asi dzakaŋga dzakaŋgoipa sapakutaŋga. Ɀino ndikapepuka. Ndikaʋona ɀe pakurota kwaŋgu hura nomŋe dzakaŋga dzatumbuka padzinde rimŋe, dzizere, dzakanaka; ndikaʋona ɀe dzimŋe hura nomŋe, dzakawoma, dzakatetepa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuʋa, dziciɓuɗa shure kwadzo. Hura idzo dzakatetepa dzikamedza hura nomŋe dzakanaka; ndikaʋudza ŋaŋga, asi kwakaŋga kusinomunhu wakagona kundiɗudzira iɀoɀo. Ipapo Josefa akati kunaFarao: Kurota kwaFarao ndokumŋe; iɀo Mŋari ɀaanoɗa kuita, ndiɀo ɀaakaziʋisa Farao. Mhou nomŋe dzakanaka makore manomŋe, nehura nomŋe dzakanaka makore manomŋe ʋo; kurota ndokumŋe. Mhou nomŋe dzakawonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzedzo, makore manomŋe, nehura nomŋe dzakaputa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuʋa, acaʋa makore manomŋe enzara. Ndiro shoko randataura kunaFarao; iɀo Mŋari ɀaanoɗa kuita, ndiɀo ɀaakaratidza Farao. Tarirai, kunoʋuya makore manomŋe amaguta kwaɀo panyika yose yeEgipita; shure kwaiwayo kucateʋera makore manomŋe enzara; ipapo maguta ose acakaŋganikwa panyika yeEgipita; nzara icapedza nyika; maguta haaŋgazozikanwi munyika nokuɗa kwenzara iyo inozoteʋera, nokuti icanyanya kwaɀo. Kurota uku kwakapamhidzwa kunaFarao kaʋiri, nokuti iɀoɀo ɀakatarwa naMŋari, ʋuye Mŋari ucakurumidza kuɀiita. Naiɀoɀo Farao ŋgaatȿake munhu wakaŋgwara, wakacenjera, amuite muɓati wenyika yeEgipita. Farao ŋgaaite iɀoɀo, ŋgaaise ʋatariri panyika yose, atore ceshanu ceɀiyo ɀenyika yeEgipita pamakore manomŋe eguta. Ŋgaʋaʋuŋganidze ɀokudya ɀose ɀamakore iwayo akanaka anoʋuya, ʋaʋige ɀiyo nomurairo waFarao, ɀiʋe ɀokudya mumaguta; ʋaɀiceŋgete. Ɀokudya iɀo ɀicaceŋgeterwa nyika makore manomŋe enzara, icazoʋa’po panyika yeEgipita, kuti nyika irege kuparadzwa nenzara. Cinhu ici cakaŋga cakanaka kunaFarao naʋaranda ʋake ʋose. Farao akati kuʋaranda ʋake: Ko tiŋgawana mumŋe munhu wakafanana noyuyu, unomŋeya waMŋari maari here? Farao akati kunaJosefa: Mŋari ɀaakakuratidza iɀoɀo ɀose, hapanomunhu wakaŋgwara, wakacenjera sewe; ndiwe ucaʋa muɓati weimba yaŋgu; ʋanhu ʋaŋgu ʋose ʋacarairwa neshoko rako; asi pacigaro caŋgu coʋushe ndi’po pandicaʋa mukuru kwauri. Ɀino Farao akati kunaJosefa: Tarira, ndakuita muɓati panyika yeEgipita yose. Farao akabvisa cimhete cake paruʋoko rwake, akaciisa paruʋoko rwaJosefa, akamufukidza ŋguʋo dzomuceka wakanakisa, akamushoŋgedza ciketani cendarama pamutsipa wake; akamufambisa neŋgoro yecipiri yaakaŋga anayo; ʋakaɗanidzira pamberi pake, ʋaciti: Fugamai! Akamuita muɓati wenyika yose yeEgipita. Farao akati kunaJosefa: Ndini Farao, asi kunze kwako hapanomunhu ucasimudza ruʋoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeEgipita. Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanati‐panea; akamupa Asenati, mukunda waPotifera, muprista weOni, aʋe mukadzi wake. Josefa akaɓuɗa, akafamba nenyika yose yeEgipita. Ɀino Josefa wakaŋga anamakore makumi matatu, ŋguʋa yaakamira pamberi paFarao, mambo weEgipita. Josefa akaɓuɗa pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeEgipita. Nyika ikaɓereka ɀizhinji‐zhinji namakore manomŋe amaguta. Akaʋuŋganidza ɀokudya ɀose ɀamakore manomŋe, akaŋga ari’po panyika yeEgipita, akaʋiga ɀokudya mumaguta; ɀokudya ɀeminda yakaŋga yakapoteredza guta rimŋe nerimŋe, wakaɀiʋiga’mo. Josefa akaʋiga ɀiyo, ɀikaita sejeca reguŋgwa, ɀizhinji‐zhinji, kuȿikira akarega kuɀiʋereŋga; nokuti ɀakaŋga ɀisiŋgagoni kuʋereŋgwa. Ɀino gore renzara risati raȿika, Josefa wakaɓerekerwa ʋanakomana ʋaʋiri, ʋaakaɓerekerwa naAsenati, mukunda waPotifera, muprista weOni. Josefa akatumidza weɗaŋgwe zita rinonzi Manase, aciti: Nokuti Mŋari wakandikaŋganwisa kutambudzika kwaŋgu kwose, neimba yaɓaɓa ʋaŋgu yose. Zita rowecipiri wakaritumidza Efraimi, aciti: Nokuti Mŋari wakandiɓerekesa ʋana panyika yokutambudzika kwaŋgu. Ɀino makore manomŋe amaguta, akaŋga aʋa’po panyika yeEgipita, akapera. Makore manomŋe enzara akataŋga kuȿika, seɀakataura Josefa; nzara ikaʋa’po panyika dzose; asi panyika yose yeEgipita pakaŋga paneɀokudya. Ɀino ʋanhu ʋose ʋeEgipita ʋofa nenzara, ʋakacemera ɀokudya kunaFarao; Farao akati kunaʋose ʋeEgipita: Endai kunaJosefa; itai ɀaanotaura kwamuri. Nzara ikaʋa’po panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akateŋgesera ʋaEgipita; nokuti nzara yakaŋga yakanyanya panyika yeEgipita. Ʋanhu ʋenyika dzose ʋakaenda Egipita kunaJosefa kuzoteŋga ɀiyo; nokuti nzara yakaŋga yakanyanya panyika dzose.

Verenga chikamu Genesi 41