Ɀino shure kwaiɀoɀo mukadzi watenzi wake wakatarira Josefa, akati: Ʋata neni. Asi iye wakaramba, akati kumukadzi watenzi wake: Tarirai, nokuɗa kwaŋgu tenzi waŋgu haaraŋgariri ɀiri mumba, asi wakaisa ɀose ɀaanaɀo pamaʋoko aŋgu; hakunomukuru kwandiri paimba ino; haana‐kundidziʋisa cinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; ɀino ndiŋgaita seiko cinhu ici cakaipa ɀikuru nditadzire Mŋari? Ɀino wakati ataura naJosefa mazuʋa ose, iye asiŋgamutereri kuti aʋate naye, kana kuʋa naye, neŋguʋa iyo akapinda mumba kuti aɓate‐ɓasa rake; makaŋga musinaʋamŋe ʋarume ʋeimba imomo. Ipapo akamuɓata ŋguʋo yake, akati: Ʋata neni; iye akasiya ŋguʋo yake muruʋoko rwake, akatiza, akaɓuɗa panze. Ɀino wakati aciʋona kuti wasiya ŋguʋo yake muruʋoko rwake, atiza, aenda, akaɗana ʋarume ʋeimba yake, akataura naʋo, akati: Tarirai, iye wakaʋuyisa muHeberu pakati peɗu kuti atiɗaɗire; wakapinda kwandiri, kuti aʋate neni, ndikaridza mhere nenzwi guru. Ɀino wakati acinzwa kuti ndinoɗanidzirisa ndiciridza mhere, akasiya ŋguʋo yake neni, akatiza, akaɓuɗa panze.
Verenga chikamu Genesi 39
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 39:7-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo