Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 32:1-12

Genesi 32:1-12 SUB1949

Ɀino Jakobo wakaenda nenzira yake, ʋatumŋa ʋaMŋari ndokusoŋgana naye. Wakati aciʋaʋona, Jakobo akati: Ihondo yaMŋari; akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Mahanaimi. Ɀino Jakobo akatuma nhume pamberi pake kunaEsau, mukuru wake, kunyika yeSeiri, munyika yeEdomi. Akaʋaraira, akati: Taurai nashe waŋgu, Esau, muti: Ɀanzi nomuranda wenyu Jakobo: Ndakaŋga ndiri mutorwa kunaRabani, ndikagara’ko kuȿikira ɀino; ndineŋombe, nemboŋgoro, namakwai, naʋaranda, naʋarandakadzi; ndatuma ʋanhu kuzoʋudza ishe waŋgu iɀeɀi, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu Nhume dzikadzokera kunaJakobo, dzikati: Takandoȿika kumukuru wenyu Esau; naiye unoʋuya kuzosoŋgana nemi anaʋarume ʋanamazana manna. Jakobo akatya kwaɀo, akatambudzika; akaparadzanisa ʋanhu ʋaakaŋga anaʋo, namakwai neŋombe namakamera, akaita mapoka maʋiri; akati: Kana Esau akaȿika kunerimŋe ɓoka, akariparadza, ɓoka rakasara riŋgatiza. Ɀino Jakobo akati: Imi, Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu Abrahama, naMŋari waɓaɓa ʋaŋgu Isaka; imi Jehova, ndimi makati kwandiri: Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira ɀakanaka; handina‐kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Joridani urwu netȿimbo yaŋgu yoga; ɀino ndaʋa mapoka maʋiri. Ƌondirwirai paruʋoko rwomukuru waŋgu, paruʋoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, kuti ucaʋuya akandiparadza ini, namai, pamŋe cete naʋana. Ndimi makati: Ɀirokwaɀo ndicakuitira ɀakanaka, ndicaita ʋo rudzi rwako sejeca reguŋgwa, risiŋgagoni kuʋereŋgwa nokuwanda kwaro.

Verenga chikamu Genesi 32