Ɀino Rabani akati kunaJakobo: Ko uŋgandiɓatira usiŋgapiwi muɓairo, nokuti uri hama yaŋgu here — Ndiʋudze kuti muɓairo wako uʋe weiko. Ɀino Rabani wakaŋga anaʋakunda ʋaʋiri; zita romukuru rakaŋga riri Rea, nezita romuɗuku Rakeri. Rea wakaŋga anameso akaneta, asi Rakeri wakaŋga akanaka kwaɀo pamuʋiri napaciso. Ɀino Jakobo wakaŋga aciɗa Rakeri, akati: Ndicakuɓatirai makore manomŋe pamsoro paRakeri, mukunda wenyu muɗuku. Rabani akati kwaari: Ɀirinani kuti ndimupe iwe, ndirege kumupa mumŋe murume; gara hako neni. Jakobo akamuɓatira makore manomŋe pamsoro paRakeri: asi akaʋa samazuʋa mashoma kwaari, nokuti wakaŋga acimuɗa. Ɀino Jakobo akati kunaRabani: Ndipei mukadzi waŋgu, nokuti mazuʋa aŋgu aȿika, kuti ndipinde kwaari. Rabani akakoka ʋanhu ʋose ʋo’ko, akaita mutambo. Ɀino kuzoti aʋa maɗeko, akatora Rea, mukunda wake, akamuisa kwaari; iye akapinda kwaari. Rabani akapa Rea, mukunda wake, Zirpa, murandakadzi wake, kuti aʋe mushandiri wake. Ɀino maŋgwana akaʋona kuti ndiRea; akati kunaRabani: Cinyiko ici cawandiitira — Handina‐kukuɓatira pamsoro paRakeri here — Wandinyeŋgedzera seiko? Rabani akati: Hakunzarwo ʋuno kweɗu, kuti munuŋuna ataŋge kuwaniswa, mukuru acigere. Pedzisa viki yewaniso naiyeyi, tigokupa mumŋe ʋo pamsoro peɓasa raucandiɓatira mamŋe makore manomŋe ɀe. Jakobo akaita saiɀoɀo, akapedza viki yewaniso naye; akamupa Rakeri, mukunda wake, kuti aʋe mukadzi wake. Rabani akapa Rakeri, mukunda wake, Birha murandakadzi wake, kuti aʋe mushandiri wake. Akapinda ʋo kunaRakeri, akaɗa Rakeri ʋo kupfuʋura Rea, akamuɓatira mamŋe makore manomŋe ɀe.