Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 28:16-19

Genesi 28:16-19 SUB1949

Ipapo Jakobo akapepuka pahope dzake, akati: Ɀirokwaɀo Jehova uri panɀimbo ino, asi ini handina‐kuɀiziʋa. Akatya, akati: Nɀimbo ino inotyisa seiko! Iyi iimba caiyo yaMŋari, isuʋo rokuɗeŋga. Jakobo akamuka maŋgwanani, akatora ibge raakaŋga akatsamira, akarimisa kuti riʋe shoŋgwe, akaɗira mafuta pamsoro paro; akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Beteri; asi zita reguta pakutaŋga rainzi Ruzi.

Verenga chikamu Genesi 28