Mŋanakomana wakazokura, akarumurwa; Abrahama akaita mutambo mukuru nomusi wokurumurwa kwaIsaka. Ɀino Sara akaʋona mŋanakomana waHagari, muEgipita, waakaɓerekera Abrahama, aciseka. Saka wakati kunaAbrahama: Dziŋga muɓatiri uyu nomŋanakomana wake, nokuti mŋanakomana womuɓatiri uyu haaŋgadyi nhaka pamŋe cete nomŋanakomana waŋgu Isaka. Shoko iro rakaŋga rakaipa kwaɀo kunaAbrahama, nokuɗa kwomŋanakomana wake. Ipapo Mŋari akati kunaAbrahama: Ŋgaɀirege haɀo kuʋa ɀakaipa kwauri nokuɗa kwomukomana nokwomuɓatiri wako; uterere Sara paɀinhu ɀose ɀaanotaura kwauri; nokuti rudzi rwako rucatumidzwa nezita raIsaka. Naiye mŋanakomana womuɓatiri ndicamuita rudzi rukuru ʋo, nokuti mŋanakomana wako.
Verenga chikamu Genesi 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 21:8-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo