ƲaGaratia 5
5
Ceŋgetai kusunuŋguka kwenyu munaKristu.
1Kristu wakatisunuŋgura kuti tiʋe ʋakasunuŋguka; naiɀoɀo mirai nesimba, murege kusuŋgwa ɀe nejoko roʋuranda.
2Tarirai, ini Pauro, ndinoti kwamuri, kuti kana mucidziŋgiswa, Kristu haaŋgakuɓatsiriyi cinhu. 3Ndinopupurira mumŋe nomumŋe unodziŋgiswa, kuti iye uneŋgaʋa rokuti aite murairo wose. 4Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoɗa kururamiswa nomurairo; maɓuɗiswa panyasha. 5Nokuti isu noMŋeya tinomirira nokutenda tariro yokururamiswa. 6Nokuti munaKristu Jesu kudziŋgiswa kana kusadziŋgiswa haɀiɓatsiri cinhu; asi kutenda kunoɓata noruɗo. 7Makaŋga mucimhanya ɀakanaka; ndianiko wakakudziʋisai kuti murege kuterera ɀokwaɗi? 8Hamunakugombedzerwa naiye wakakuɗanai. 9Mbiriso shoma inoʋirisa ɓundu rose. 10Ndinotenda pamsoro penyu munaShe, kuti hamuŋgatoŋgoraŋgariri cimŋe cinhu; asi uyo, unokupesanisai ucafanira hake kutoŋgwa, kunyaŋge ari aninani. 11Asi ini, hama dzaŋgu, kana ndiciparidza kuti ʋanhu ʋadziŋgiswe, ndinoramba ndicitambudzwa neiko? Naiɀoɀo kugumbusa kwomucinjikwa kwabviswa. 12Ƌai aʋo ʋanokupesanisai ʋaciɀigura ʋo.
13Nokuti imi, hama dzaŋgu, makaɗanirwa kusunuŋguka; asi kusunuŋguka kwenyu ŋgakurege kuʋa nzira yenyama, asi ɓatiranai noruɗo. 14Nokuti murairo wose unozadziswa neshoko rimŋe cete, rokuti: Uɗe wokwako seɀaunoɀiɗa iwe; 15asi kana mucirumana nokudyana, cenjerai kuti murege kupedzana.
Maɓasa enyama neciɓereko coMŋeya.
16Ɀino ndinoti: Fambai noMŋeya, ipapo hamuŋgaiti kuciʋa kwenyama. 17Nokuti nyama inociʋa icirwa noMŋeya; noMŋeya ucirwa nenyama; nokuti iɀi ɀinorwisana; kuti murege kuita ɀamunoɗa. 18Asi kana mucituŋgamirirwa noMŋeya, hamuzi pasi pomurairo. 19Ɀino maɓasa enyama anoʋonekwa, anoti: Ʋupombge, netȿina, noʋutere, 20nokunamata ɀifananidzo, noʋuroyi, nokuʋeŋgana, negakaʋa, negoɗo, nokutsamŋa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka, 21nokugoɗorana, nokuɓatwa, nokutamba kwakaipa, neɀinhu ɀakaɗai; iɀo ɀandinokuʋudzai ɀino, seɀandakambokuʋudzai kare, kuti ʋanoita ɀakaɗai haʋaŋgadyi nhaka yoʋushe bgaMŋari. 22Ɀino ciɓereko coMŋeya ndirwo ruɗo, nomufaro, norugare, nomŋoyo murefu, nomŋoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, 23noʋunyoro, nokuɀidzora: hakunomurairo unodziʋisa ɀinhu ɀakaɗai. 24Asi aʋo ʋari ʋaKristu Jesu ʋakaroʋera pamucinjikwa nyama, pamŋe cete nokuɗa kwayo, nokuciʋa kwayo.
25Kana ticirarama noMŋeya, ŋgatifambe ʋo noMŋeya, 26tirege kuɀikudza, ticimutsana mŋoyo, ticigoɗorana.
Zvasarudzwa nguva ino
ƲaGaratia 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018