Kristu wakatisunuŋgura kuti tiʋe ʋakasunuŋguka; naiɀoɀo mirai nesimba, murege kusuŋgwa ɀe nejoko roʋuranda. Tarirai, ini Pauro, ndinoti kwamuri, kuti kana mucidziŋgiswa, Kristu haaŋgakuɓatsiriyi cinhu. Ndinopupurira mumŋe nomumŋe unodziŋgiswa, kuti iye uneŋgaʋa rokuti aite murairo wose. Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoɗa kururamiswa nomurairo; maɓuɗiswa panyasha. Nokuti isu noMŋeya tinomirira nokutenda tariro yokururamiswa. Nokuti munaKristu Jesu kudziŋgiswa kana kusadziŋgiswa haɀiɓatsiri cinhu; asi kutenda kunoɓata noruɗo. Makaŋga mucimhanya ɀakanaka; ndianiko wakakudziʋisai kuti murege kuterera ɀokwaɗi? Hamunakugombedzerwa naiye wakakuɗanai. Mbiriso shoma inoʋirisa ɓundu rose. Ndinotenda pamsoro penyu munaShe, kuti hamuŋgatoŋgoraŋgariri cimŋe cinhu; asi uyo, unokupesanisai ucafanira hake kutoŋgwa, kunyaŋge ari aninani. Asi ini, hama dzaŋgu, kana ndiciparidza kuti ʋanhu ʋadziŋgiswe, ndinoramba ndicitambudzwa neiko? Naiɀoɀo kugumbusa kwomucinjikwa kwabviswa. Ƌai aʋo ʋanokupesanisai ʋaciɀigura ʋo. Nokuti imi, hama dzaŋgu, makaɗanirwa kusunuŋguka; asi kusunuŋguka kwenyu ŋgakurege kuʋa nzira yenyama, asi ɓatiranai noruɗo. Nokuti murairo wose unozadziswa neshoko rimŋe cete, rokuti: Uɗe wokwako seɀaunoɀiɗa iwe; asi kana mucirumana nokudyana, cenjerai kuti murege kupedzana.
Verenga chikamu ƲaGaratia 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaGaratia 5:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo