Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezra 7

7
Ezra unotumŋa Jerusarema namambo Artashasta.
1Ɀino shure kwaiɀoɀo, Artashasta mambo wePersia aciɓata ʋushe, Ezra mŋanakomana waSeraya, mŋanakomana waAzaria, mŋanakomana waHirkia, 2mŋanakomana waSharumi, mŋanakomana waZadoki, mŋanakomana waAhitubi, 3mŋanakomana waAmaria, mŋanakomana waAzaria, mŋanakomana waMerayoti, 4mŋanakomana waZerahia, mŋanakomana waUzi, mŋanakomana waBuki, 5mŋanakomana waAbishua, mŋanakomana waPinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana waAroni, muprista mukuru — 6uyu Ezra wakaenda acibva Babironi; iye wakaŋga ari munyori wakaŋgwara pamurairo waMosesi, wakaŋga wapiwa naJehova Mŋari waIsraeri; mambo akamupa ɀose ɀaakakumbira, nokuɗa kworuʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro pake. 7Naʋamŋe ʋaʋana ʋaIsraeri, naʋaprista, naʋaRevi, naʋaimbi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaNetinimi, ʋakaenda Jerusarema negore recinomŋe ramambo Artashasta. 8Akaȿika Jerusarema nomŋedzi wecishanu pagore recinomŋe ramambo. 9Nokuti wakataŋga kubva Babironi nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wokutaŋga, akaȿika Jerusarema nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wecishanu, nokuɗa kworuʋoko rwakanaka rwaMŋari wake rwakaŋga ruri pamsoro pake. 10Nokuti Ezra wakaŋga ashiŋgaira nomŋoyo wake wose kutȿaka murairo waJehova, nokuuita, nokudzidzisa pakati paIsraeri ɀaakatema neɀaakatoŋga.
11Ɀino ndiwo mashoko eŋwadi iyo mambo Artashasta yaakapa Ezra muprista nomunyori, iye munyori wamashoko emirairo yaJehova neɀaakatemera Israeri: 12Artashasta mambo wamadzimambo, kunaEzra muprista, munyori womurairo waMŋari wokuɗeŋga, wakakwana, namamŋe mashoko akaɗai. 13Ini ndinotema cireʋo, kuti ʋanhu ʋose ʋaIsraeri, naʋaprista ʋaʋo, naʋaRevi, ʋari paʋushe bgaŋgu, ʋanoɗa nokuɗa kwaʋo kuenda Jerusarema, ŋgaʋaende haʋo newe. 14Ɀawatumŋa namambo namakurukota ake manomŋe kundobvunzisisa pamsoro paJuda neJerusarema, seɀakarebga nomurairo waMŋari wako uri muruʋoko rwako; 15nokuenda nesirveri nendarama yakapiwa namambo namakurukota ake nokuɗa kwaʋo Mŋari waIsraeri, iye ugere Jerusarema, 16nesirveri nendarama yose yauŋgawana parutiʋi rwenyika yose yeBabironi, pamŋe cete neɀipo ɀaʋanhu ɀaʋacapa nokuɗa kwaʋo, neɀaʋaprista, ɀaʋacapa imba yaMŋari waʋo iri paJerusarema nomŋoyo yaʋo; 17ɀino unofanira kukurumidza kuteŋga nemari iyo nzombe, namakondobge, namakwaiana, pamŋe cete neɀipiriso ɀaɀo ɀoʋupfu, neɀinoɗururwa, ugoɀiisa paartari paimba yaMŋari wenyu iri Jerusarema. 18Kana iri sirveri nendarama yakasara, itai naɀo seɀamunofuŋga, iwe nehama dzako, seɀinoɗikanwa naMŋari wenyu. 19Nemidziyo yaunopiwa kundoɓata nayo paimba yaMŋari wako, uiise pamberi paMŋari weJerusarema. 20Neɀimŋe ɀinhu ɀipi neɀipi ɀinoɗikanwa paimba yaMŋari wako, ɀaunofanira kuripa, uɀiripe ucitora paimba yefuma yamambo. 21Ini, iyeni mambo Artashasta, ndinoraira ʋaceŋgeti ʋose ʋefuma mhiri kworwizi, ndiciti: Ɀose Ezra muprista, munyori womurairo waMŋari wokuɗeŋga, ɀaanokumbira kwamuri, ŋgaɀiitwe nokukurumidza, 22kuȿikira pamatarenta esirveri anezana,#7:22 Mariineŋge £40,000. neɀiyero ɀinezana ɀeɀiyo,#7:22 Masaga aneŋge 350. namabati ewaini anezana,#7:22 Bati rimŋe aneŋge magaroni mapfumbamŋe. namabati amafuta anezana, nomunyu usiŋgaʋereŋgwi. 23Ɀose ɀinorairwa naMŋari wokuɗeŋga, ŋgaɀiitirwe ɀakanaka imba yaMŋari wokuɗeŋga; nokuti ʋushe bgamambo nobgaʋanakomana ʋake ʋucatsamŋirweiko? 24Tinokuziʋisai ʋo, kuti kana ʋari ʋaprista ʋose, naʋaRevi, naʋaimbi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaNetinimi, naʋaranda ʋeimba iyi yaMŋari, haʋaŋgaripiswi mutero, kana ɀipo, kana muripo wenzira. 25Ɀino iwe Ezra, nenjere dzaMŋari wako, dzawakapiwa iwe, cigadza ʋatambi ʋemhoȿa, naʋatoŋgi, ʋaŋgatoŋgera ʋanhu ʋose ʋari mhiri kworwizi mhaka dzaʋo, ʋaʋe ʋanhu ʋanoziʋa mirairo yaMŋari wako, ugodzidzisa mumŋe nomumŋe usiŋgaiziʋi. 26Aninani, usiŋgaɗi kuita murairo waMŋari wako, nomurairo wamambo, ŋgaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudziŋgwa, kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusuŋgwa mutoroŋgo.
27Jehova Mŋari wamadziɓaɓa eɗu ŋgaakudzwe, iye wakaisa cinhu cakaɗai mumŋoyo wamambo, kuti anatse imba yaJehova iri Jerusarema; 28iye wakandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamacinda ose anesimba amambo. Ini ndikasimbiswa nokuti ruʋoko rwaJehova Mŋari waŋgu rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu, ndikakoka ʋarume ʋakuru pakati paIsraeri, kuti ʋaende neni.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezra 7: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda