Ɀino Mosesi akati kunaMŋari: Ini ndini aniko, kuti ndiende kunaFarao, ndiɓuɗise ʋana ʋaIsraeri muEgipita here? Akati: Ɀirokwaɀo ndicaʋa newe; heci ciratidzo cokuti ndakutuma: Kana maɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu muEgipita, mucanamata Mŋari pagomo rino. Ipapo Mosesi akati kunaMŋari: Tarirai, kana ndikaȿika kuʋana ʋaIsraeri, ndikati kwaʋari: Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakandituma kwamuri, iʋo ʋakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? ndicatiyi kwaʋari? Mŋari akati kunaMosesi: NDICAƲA IYE WANDICAƲA. Akati: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: NDICAƲA ndiye wakandituma kwamuri. Mŋari akati ʋo kunaMosesi: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo, wakandituma kwamuri; ndiro zita raŋgu nokusiŋgaperi, ndiro zita raʋacandiraŋgarira naro kuȿikira kumarudzi ose.
Verenga chikamu Eksodo 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Eksodo 3:11-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo