Ɀino ʋakabva Erimi parwe ndo rwaʋo, ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ikaȿika parenje reSini, riri pakati peErimi neSinai, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi wecipiri pakubva kwaʋo panyika yeEgipita. Ɀino ʋuŋgano yose yaʋaIsraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje; ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaʋari: Tiŋgaɗai takafira heɗu munyika yeEgipita noruʋoko rwaJehova, tigere heɗu pahari dzenyama, ticidya ɀiŋgwa ticiguta; nokuti matiɓuɗisira kurenje iri, kuti muʋuraye ʋuŋgano iyi yose nenzara. Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndicakunisirai ciŋgwa cinobva kuɗeŋga; ʋanhu ʋacafanira kuɓuɗa kundoɀiʋuŋganidzira ciyero cinoriŋgana zuʋa rimŋe nerimŋe, ndiʋaidze ndiʋone kana ʋaciɗa kuterera murairo waŋgu, kana kwete. Ɀino nomusi wetanhatu kana ʋogadziraiɀo ɀaʋaʋuya naɀo, ɀicaita ɀiyero ɀiʋiri kana ʋacienzanisa neciyero caʋanosiʋuŋganidza zuʋa rimŋe nerimŋe. Ɀino Mosesi naAroni ʋakati kuʋana ʋaIsraeri ʋose: Maɗekwana mucaziʋa kuti Jehova ndiye wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita.
Verenga chikamu Eksodo 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Eksodo 16:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo