Eksodo 12
12
ƲaIsraeri ʋanorairwa kudya Paseka.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni munyika yeEgipita, akati: 2Mŋedzi uno unofanira kuʋa mŋedzi wokutaŋga kwamuri, unofanira kuʋa mŋedzi wokutaŋga wegore. 3Taurai kuʋuŋgano yose yaʋaIsraeri, muti: Nomusi wegumi womŋedzi uno mumŋe nomumŋe ŋgaatore gwaiana, ʋaciʋereŋga dzimba dzamadziɓaɓa aʋo; mhuri imŋe neimŋe iʋe negwaiana rayo. 4Kana mhuri iri ɗuku ʋasiŋgagoni kupedza gwaiana, iʋo naʋagere pedyo neimba yaʋo ŋgaʋatore rimŋe rinoriŋgana ʋanhu. Muriŋganise gwaiana pakudya kwomumŋe nomumŋe. 5Gwaiana renyu ŋgarirege kuʋa necinhu cisakafanira, mukono wegore rimŋe; muritore pamakwai kana pambudzi; 6ɀino muriceŋgete kuȿikira pazuʋa regumi namanna romŋedzi, ipapo ʋuŋgano yose yaʋanhu ʋose ʋaIsraeri ŋgaʋariʋuraye maɗekwana. 7Ɀino ŋgaʋatore rimŋe ropa raro, ʋariise pamagwatidziro maʋiri egonhi, napaciʋiʋo cokumsoro, padzimba paʋacaridyira. 8Ʋadye nyama yaro ʋusiku ubgo, yakagocwa pamŋoto, neciŋgwa cisina‐kuʋiriswa; ʋaidye nemiriʋo inoʋaʋa. 9Regai kuidya isanhi yaibva, kana yakaɓikwa nemvura, asi yakagocwa pamŋoto; musoro waro namakumbo aro pamŋe cete noʋura bgaro. 10Musasiya cimŋe caro kuȿikira maŋgwana; ɀose ɀaro ɀinosara kuȿikira maŋgwana muɀipise nomŋoto. 11Muridye kuɗai: Makasuŋga ɀiʋuno ɀenyu, makapfeka shaŋgu dzenyu patsoka dzenyu, makaɓata tȿimbo dzenyu mumaʋoko enyu; muridye mucikurumidza; ipaseka yaJehova. 12Nokuti noʋusiku ubgo ndicafamba napakati penyika yeEgipita, ndiciroʋa mataŋgwe ose aʋanhu panyika yeEgipita, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo; ndicatoŋga ʋamŋari ʋose ʋeEgipita; ndini Jehova. 13Asi ropa ricaʋa ciratidzo kwamuri padzimba mamugere; kana ndiciʋona ropa ndicakupfuʋurai, kuti ɗambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndiciroʋa nyika yeEgipita. 14Zuʋa iri ricaʋa ciraŋgaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehova mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uʋe murairo nokusiŋgaperi. 15Mudye ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe; nezuʋa rokutaŋga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu unodya ciŋgwa cakaʋiriswa kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira pazuʋa recinomŋe ŋgaabviswe pakati paIsraeri. 16Nezuʋa rokutaŋga munofanira kuita ungano tȿene, ʋuye nezuʋa recinomŋe ʋuŋgano tȿene ɀe; namazuʋa iwayo maɓasa ose ŋgaarege kuitwa, asi ɀinodyiwa nomunhu mumŋe nomumŋe ɀiŋgagadzirwa nemi, iɀoɀo ɓedzi. 17Munofanira kutamba mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, nokuti ndiro zuʋa randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeEgipita; naiɀoɀo ceŋgetai zuʋa iro kuȿikira kumarudzi enyu ose, uʋe murairo nokusiŋgaperi. 18Nomŋedzi wokutaŋga nezuʋa regumi namanna romŋedzi, maɗekwana, munofanira kudya ɀingwa ɀisina‐kuʋiriswa kuȿikira pazuʋa ramakumi maʋiri nerimŋe romŋedzi maɗekwana. 19Mazuʋa manomŋe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nokuti aninani unodya ɀakaʋiriswa unofanira kubviswa paʋuŋgano yaʋaIsraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu wakaɓerekerwa munyika. 20Regai kudya cinhu cakaʋiriswa; padzimba dzenyu dzose mudye ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa.
21Ɀino Mosesi akaɗana ʋakuru ʋose ʋaʋaIsraeri, akati kwaʋari: Endai mundotora makwaiana anoriŋgana mhuri dzenyu, muɓaye paseka. 22Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze ciʋiʋo cokumsoro, namagwatidziro maʋiri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuʋa nomumŋe wenyu unoɓuɗa pamukoʋa weimba yake kuȿikira maŋgwana. 23Nokuti Jehova ucapfuʋura napakati penyika kuti aroʋe ʋaEgipita; kana akaʋona ropa paciʋiʋo cokumsoro, namagwatidziro maʋiri, Jehova ucaɗarika mukoʋa uyo, haaŋgatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akuroʋei. 24Ceŋgeta cinhu ico, uʋe murairo kwauri nokuʋana ʋako nokusiŋgaperi. 25Ɀino kana mucizoȿika panyika yamucapiwa naJehova, seɀaakakupikirai, muceŋgete ɓasa iri. 26Ɀino kana ʋana ʋenyu ʋakati kwamuri: Ƃasa iri rinoti kuɗiniko? 27Muti kwaʋari: Ndico ciɓayiro cepaseka yaJehova, wakaɗarika dzimba dzaʋana ʋaIsraeri paEgipita nomusi waakaroʋa ʋaEgipita, akaponesa dzimba dzeɗu. Ipapo ʋanhu ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata. 28Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi naAroni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita.
29Ɀino pakati poʋusiku Jehova wakaroʋa mataŋgwe ose panyika yeEgipita, kubva paɗaŋgwe raFarao waizogara pacigaro cake coʋushe, kuȿikira paɗaŋgwe romusuŋgwa wakaŋga ari mutoroŋgo, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo. 30Ɀino Farao akamuka ʋusiku, iye naʋaranda ʋake naʋaEgipita ʋose, kukaʋa nokucema kukuru paEgipita, nokuti kwakaŋga kusineimba musinawakafa; 31akaɗana Mosesi naAroni ʋusiku, akati: Simukai, ibvai pakati paʋanhu ʋaŋgu, imi naʋana ʋaIsraeri: endai mundonamata Jehova seɀamakataura. 32Torai makwai enyu neŋombe dzenyu, seɀamakataura, endai, neni mundiropafadze ʋo. 33ƲaEgipita ʋakakurudzira ʋanhu kwaɀo, kuti ʋakurumidze kuʋaɓuɗisa panyika, nokuti ʋakati: Isu tofa tose! 34Ʋanhu ʋakatora mukanyiwa waʋo, usati waʋiriswa, nemidziyo yaʋo yokukanyira yakaputirwa muŋguʋo dzaʋo pamafudzi aʋo. 35Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀaʋakaʋudzwa naMosesi, ʋakakumbira kunaʋaEgipita ɀishoŋgo ɀesirveri, neɀishoŋgo ɀendarama, neŋguʋo. 36Jehova akapa ʋanhu nyasha pamberi paʋaEgipita, ʋakaʋapa iɀoɀo ɀaʋakakumbira; ʋakapedzera ʋaEgipita.
37Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakabva Ramesesi, ʋakaenda Sukoti, ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋanofamba netsoka ʋaneɀuru ɀamazana ɀitanhatu, ʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi. 38Naʋanhu ʋazhinji ʋakaŋga ʋakaveŋgana ʋakaenda naʋo, namakwai neŋombe, ɀiri ɀipfuwo ɀizhinji‐zhinji. 39Ʋakaɓika ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa nomukanyiwa waʋakaŋga ʋaɓuɗa nawo paEgipita, nokuti wakaŋga usinakuʋiriswa; nokuti ʋakadziŋgwa muEgipita, ʋakasagona kunonoka, ʋakasaɀigadzirira mbuʋa. 40Ɀino ŋguʋa yakagara ʋana ʋaIsraeri muEgipita akaŋga ari makore anamazana manna namakumi matatu. 41Pakupera kwamakore anamazana manna namakumi matatu, nomusi iwoyo, hondo dzose dzaJehova dzakaɓuɗa munyika yeEgipita. 42Ʋusiku ubgo ʋunofanira kuraŋgarirwa Jehova, nokuti wakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita nabgo. Ndibgo ʋusiku bgaJehova, ʋunofanira kuraŋgarirwa kwaɀo naʋana ʋaIsraeri ʋose namarudzi aʋo ose.
43Jehova akati ʋo kunaMosesi naAroni: Murairo wepaseka ndiwo: Mutorwa ŋgaarege kuidya. 44Asi muranda womunhu mumŋe nomumŋe wakateŋgwa nemari, uŋgaidya kana mamudziŋgisa. 45Mutorwa kana muranda unoripirwa ŋgaarege kuidya. 46Inofanira kudyirwa mumba mumŋe; haufaniri kutora imŋe nyama ukaenda nayo kunze kweimba; ʋuye musavuna fupa raro. 47Ʋuŋgano yose yaʋaIsraeri inofanira kuiita. 48Kana mutorwa ugere newe aciɗa kuitira Jehova paseka, ʋanhurume ʋose ʋari kwaari ŋgaʋadziŋgiswe, ipapo ŋgaasweɗere hake kuiita; ɀino wafanana nomunhu wakaɓerekerwa panyika; asi usina‐kudziŋgiswa ŋgaarege kuidya. 49Murairo ŋgauʋe mumŋe kunowakaɓerekerwa mumusha nokumutorwa ugere pakati penyu. 50Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi naAroni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita. 51Nezuʋa iro Jehova akaɓuɗisa ʋana ʋaIsraeri panyika yeEgipita nehondo dzaʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 12: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018